Sangano robatsira vanasikana

Daphne Machiri SANGANO rakazvimirira reShamwari Yemwanasikana riri kusimudzira fundo yevasikana vanotambura, zvikuru vekumaruwa kuburikidza nekuvapa mabhuku ekuverenga nedzidziso yakananga kuchengetedza utano hwavo.

Takayidza ari kusimukira

Abel Ndooka MUIMBI wemusambo wechitendero ari kusimukira, Wellington Takayidza, anoti vechidiki ngavasanyare kana kutya kutaridza zvipo zvavo sezvo vachikwanisa kuwana raramo kubva mazviri.

Gudo ‘mubedroom’

Munyori weKwayedza MHURI igere mumusha weLobengula Extension, kuBulawayo, svondo rapera yakaita bararamhanya ichitsvaga pekuhwanda apo gudo rakangoerekana ravapindira mumba mavo nechisimba, ndokunanga kuimba yekurana (bedroom) umo rakasvikotanga kubvujunura zvinhu zvaivemo…

Mhandara inotamba nenjuzu

Kingstone Mapupu CHIGAGAIRWA kana kuti mhenya yemusikana wechidiki anogara kuNorton anoti anorara mumba, asi ofuma ari panze asingazive kuti abuda sei sezvo gonhi rinenge rakakiiwa nemukati uye anoenda kudhamu reko…

‘Vanotambura tarirai kunaMwari’

Muchaneta Chimuka MUIMBI wechidiki wemusambo weSungura ari kusimukira anoti zvakakosha kuti vanotambura vakadai senherera nechirikadzi vaise tariro yavo kunaMwari sezvo ari iye anoziva matambudziko avanenge vachisangana nawo mukurarama kwavo.

‘Siyai maWarriors akadaro’

Abel Ndooka SHASHA dzakambonetsa dzichitambira nhabvu chikwata chenyika chemaWarriors dzinoti zvakakosha kuti chikwata chiripo parizvino chirege kusandurwa sezvo chinogona kusvika kure mumutambo weAfrica Cup of Nations (Afocn) apo chiri kurwira…

Grade 7: Kunyora rondedzero pabvunzo

Ticha Danga WAPEDZA kusarudza musoro werondedzero yaunoda, chipinda mubasa. Unobvumirwa kuita hurongwa hwako padivi sekuuya kunenge kwaita pfungwa mumusoro. Kana wadai unenge usisadzoke kumashure asi kuti unenge wava kutonyora rondedzero…

Ane nharo ngaauye: Khan

AMIR Khan anoti hapana chinhu chinomutadzisa kurwa naManny Pacquiao pamwe naKell Brook futi mumwedzi 12 inotevera.

Bumbiro idzva redzidzo : Mamiriro edzidzo itsva

naChiremba URONGWA hutsva hwedzidzo hwakaumbwa seizvi: Dzidzo yemuzvikoro inotangira pazera rendumure (E.C.D. A neE.C.D. B), yoenda kuzera revapwere (giredhi rekutanga nerechipiri), remapunha (giredhi retatu kusvika rechinomwe) kusvika kuvasikana nevakomana vefomu…

Mapurisa 3 vakaponda?

Kingstone Mapupu MAPURISA matatu epakamba yeZimbabwe Republic Police (ZRP) yekwaNyava, kuBindura, ari kuferefetwa nenyaya yekuponda mumwe murume uyo wavanopomerwa kurova achinzi ainge aba nhare yemumwewo munhu.

×