‘Kupotsa ndafira EcoCash’

Lizzy Mushoriwa MUMWE mukadzi anoti murume wake anogara achimushungurudza nekuda kwemari yake inenge iri muEcoCash uye akatomboda kumudzika demo mushure mekunge ashandisa mari iyi zvisina mvumo yake.

Remekedzai vashakabvu

KUBVA pasichigare, vanhu vatema vanozivikanwa netsika dzakarurama idzo dzinoremekedza vashakabvu. Ndokusaka zvichinzi kana munhu afa panotevedzwa tsika dzose dzechivanhu – pasina kana kudimbudzira — kudzimara mutumbi warongedzwa kana kuti wavigwa…

Sei usina kudaira chimbo chandashaura?

naIgnatius Mabasa PAIVAPO nemumwe musikana aive akanaka seruva richangotumbuka. Musikana uyu ainzi Runyararo. Runyararo aigara munyika yakakura kwazvo, uye naiyewo akanga ane basa guru kwazvo.

Zvinhu zvinotouya pabvunzo

Ticha Danga ZORORO zvorodai kunopera, zvinoreva kuti nyatwa yedu iya yaswedera. Tichitanga gore zvaiita sekuti nguva iripo zvekuti vamwe taitogona kumboswaradza tichida kuvarairwa, asi iye zvino nguva dzatisiya.

Tsumo nemadimikira namukira namukanya

Mhinduro yesvondo rapera:

‘Mimba haisi yangu’

Gamuchirai Muzanenhamu MUSIKANA wekuti akamitiswa nemukomana uyo waakazotizira asi akaramba pamuviri apa ndokumurarisa panze achitonhorwa nechando akapotera kudare achiti anoda mari yekuti amurapise pamwe nekunyoresa nhumbu iyi kuchipatara.

Mwana akadzidza akaita sei?

naChiremba KANA tichitarisa dzidzo itsva iri kudzumbunurwa iyo yakatanga gore ra2017, tinoona kuti mwana anenge anwa dzidzo iyi anofanirwa kunge akagukuchira murongomuna wezvinhu zvinoti ruzivo rwenjere, zvemaoko, zivo yezvinhu zvakanaka…

‘Anoda kundibvisa hembe pane vanhu’

Gamuchirai Muzanenhamu MURUME wekuChitungwiza akachema-chema mudare redzimhosva achiti ari kuoneswa pfumvu neaimbove shamwarikadzi yake uyo waanoti anogara achida kumubvisa hembe dzaanenge akapfeka pazere vanhu achiti ndiye akamutengera apo vaive vachiri…

Mukuwasha obatwa huruweki naambuya

Gamuchirai Muzanenhamu AMBUYA vekudhonzera mukuwasha wavo kudare redzimhosva vachida gwaro rerunyararo vakashaya pekupinda apo murume uyu akati amai ava vane katsika kekupindira munyaya dzake paanenge achinetsana nemudzimai wake zvinoita kuti…

Tapota chengetedzai vana venyu: Zimbabwe Republic Police

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police anoti ari kushushikana zvikuru AnAenyaya dzenhubu dziri kuchera makuva vachitamba nezvitunha uyewo nevana vari kushaikwa, vozowanikwa vakafa, paine fungidziro huru yekuti vanenge vapondwa.

×