Chabvondoka kuTanganda Half Marathon
Abel Ndooka MUSI weSvondo uno nzira dzose dziri kunanga kwaMutare, uko shasha dzekumhanya kubva pasi rose dzichakwikwidzana muTanganda Half Marathon. Mujaho uyu, uyo wakareba makiromita 21, makore ese unorongwa neTanganda…
MaChevrons obandana neSA
Abel Ndooka CHIKWATA chenyika checricket chichatatsurana necheSouth Africa mumitambo miviri yeTest kuQueens Sports Club, kuBulawayo, kutanga nemusi weMugovera svondo rino. Mutambo wekutanga wezvikwata zviviri izvi uchatambwa kubva musi weMugovera kusvika…
Chengetedzai zvirimwa kubva kuchando: ZFU
Kingstone Mapupu SANGANO reZimbabwe Farmers Union (ZFU) riri kukurudzira varimi vemumapindu nevezvimwe zvirimwa zvemwaka wekutonhora kuti vazvichengetedze kubva mukurohwa nechando senzira yekuti vasarasikirwe. Kurudziro iyi yakapihwa naVaPaul Zakariya, vanove executive…
MAONERO EDU: Tsika dzekuremekedza vabereki dzaendepi?
SVONDO rino, tine nyaya yechembere yekuEpworth iyo iri kuti yaoneswa pfumvu nekurohwa nemwanakomana wayo anotora zvinodhaka sezvo ari kuda kutora imba yairi kugara. Mukubuda kwenyaya iyi, chembere iyi inoti mwanakomana…
MACHIKICHORI: Zvakanakira nhopi ine dovi
naMuchaneta Chimuka NHOPI yemanhanga kudya kunovaka muviri uye kunogutsa. Inonaka zvikuru uye inotipa mapuroteni nemacarbohydrates, izvo zvinoita kuti tiwane simba nekuita kuti muviri ukwanise kurwisa zvirwere. Khesani Bhaloyi wekuChiredzi anotitsanangurira…
TISHAMWARIDZANE: NDIRI murume wemakore 50, ndiri pamushonga uye ndinotsvaga mukadzi ane makore 49 zvichidzika.
NDIRI murume wemakore 50, ndiri pamushonga uye ndinotsvaga mukadzi ane makore 49 zvichidzika. Anoda kugara kumusha aine vana vake andifarira anondibata pa0786 718 479. ***************************** Makadii veKwayedza? Ndiri murume ane…
Zim yotarisira maguta
Munyori weKwayedza ZIMBABWE iri kutarisira kuwana chibage chinoraudzira nematani 812 000 gore rino, zvinova zvinotaridza zvibereko zvematanho akasimba ari kutorwa neHurumende yeSecond Republic mukusimudzira nyaya dzekurima munyika. Mashoko aya akaburitswa…
DeMbare yomiswa pamberi pePSL Disciplinary Committee
Abel Ndooka CHIKWATA cheDynamos FC nemurairidzi wacho, Saul Chamunika, vashevedzwa kuti vazomira pamberi pePSL Disciplinary Committee zvichitevera chiitiko chakaita kuti mutambo wavo neFC Platinum utadze kupera kuMandava Stadium svondo radarika. DeMbare…
Murume (30) opomerwa kuponda baba
Kingstone Mapupu MURUME wepaPlot 11 papurazi reChinyerere kuKaroi – Comfort Manyonga (30) – ari kutsvagwa nemapurisa nemhosva yekuponda baba vake, Bonface Manyonga (64) nekuda kwechikonzero chisati chazivikanwa. Matikitivha echikamu cheCriminal…
Harare yakurumbira nekupararira kwenjovhera
Yeukai Karengezeka HARARE inonzi yaita mukurumbira wekupararira kwezvirwere zvepabonde, sezviri kubva kusangano reNational Aids Council (NAC). Vachitaura kuHopley neChishanu chapfuura, NAC provincial manager, VaAdonijah Muzondiona, vanoti dunhu iri rine vanhu…











