Skiezy ozorodza ndangariro dzeveruzhinji

Muchaneta Chimuka MUIMBI wechidiki ari kusimukira, Simba “Skiezy” Shumba (24), ozorodza ndangariro dzeveruzhinji zvichitevera kubura kwaakaita kambo kanonzi “Zororo”, ako kari pamusoro pemarwadzo akasiyana-siyana anosangana nevanhu mukurarama. Skiezy, uyo aimbove…

Baba vapondera mwana (2) ruzha rwekuchema

Munyori weKwayedza MURUME wemubhuku raMusvuti kwaMambo Marambo kwaCharandura, kwaChirumhanzu anonzi akaponda mwanakomana wake ane makore maviri ekuberekwa zvichitevera kuramba achichema uko aiita apo airwara. Nyaya iyi yakaitika nemusi wa17 Chikumi…

Mubobobo: Murume abatwa aine murwi wemabhurugwa echikadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuBuhera akabatwa aine murwi wemabhurugwa echikadzi anodarika 30 ayo anofungirwa kuti aishandisa mukuita mabasa emubobobo. Augustine Marimo, ari kupomerwa mhosva yekuba zvipfeko zvemukati zvevanhukadzi izvi panzvimbo dzekugezera…

Murume afa achitamba-tamba chinhu mudumbu . . . anonzi akaba ‘power bank’

Kingstone Mapupu RUFU rwemurume ane makore 24 okuberekwa wekuBudiriro 1 muHarare, uyo anonzi akafa asina kurwara, rwokonzera mitauro yakawanda-wanda sezvo achinzi akashaya achitamba-tamba chinhu mudumbu mushure mekunge aba power bank.…

Murume apisa imba anetsana naamai pamusoro pehuswa

Vusumuzi Dube MURUME wemumusha weMbunde kwaMambo Sikhobokhobo kuNkayi, kuMatabeleland North akapisa imba yemhuri yavo mushure mekunge anetsana naamai vake nekuda kwehuswa hwavaitengesa. Murume uyu, uyo zita rake risati razivikanwa, ane…

Nhume yamambo yatemwa nedemo ikafa

Kingstone Mapupu MURUME anova nhume kana kuti chikonzi chaMambo Nemangwe vekuGokwe akatemwa nedemo ndokufa nemunhu waaida kupa masamanisi emhosva yaida kuzotongwa nasadunhu ari pasi paishe ava. Nyaya iyi yakaitika nemusi…

‘Rusarura kune vane HIV bodo’

Muchaneta Chimuka GURUKOTA rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Douglas Mombeshora, vanoshora zvikuru vanhu vachiri kuita rusarura kune vane hutachiona hweHIV nezvimwe zvirwere vachiti maitiro aya anodzikisira vakadai uye nekutadzisa kufambiswa zvakanaka…

Motokari yabiwa ikazowanikwa pamushika-shika

Moffat Mungazi naFidelis Chavarike MURUME wekuHonde Valley wekuba motokari yainge yakamiswa mukati meguta reMutare svondo rino munguva dzemangwanani akabatwa zuva rimwe chetero apo akange ave kuishandisa kutakura vanhu pamushika-shika. Philip…

Muimbi (8) abura kambo ‘Trabablas Yakapera’

Abel Ndooka MUIMBI wechidiki ari kusimukira ane makore masere ekuberekwa — Pride Chamangwana — akabura kambo kake kanonzi “Trabablas Yakapera”, ako kanopemberera basa guru rakabatwa neHurumende pakuvakwa kweTrabablas Interchange muHarare.…

Simba Bhora yorongera FC Platinum

Abel Ndooka SHASHA yeCastle Lager Premier Soccer League (PSL) yemwaka wadarika — Simba Bhora — svondo rino iri kunanga kuMandava, kuZvishavane, uko ichanosangana neFC Platinum mumutambo uri kutarisirwa kunakidza zvikuru.…

×
×