Mwana akaenda muromo parutivi
Tafadzwa Mutsotso — MUDZIMAI wekuHonde Valley, kuManicaland, anoti anorwadziwa zvikuru nekunangwa huroyi kwaari kuitwa achinzi akaroya mumwe mwana zvikaita kuti muromo wake uende parutivi mushure mekunge atukana naye.
Musaroverere Wenger: Silva
SHASHA yakambonetsa ichitambira Arsenal – Gilberto Silva – okurudzira vatambi vechikwata ichi kuti vabvume kuti havasi kutamba zvinogutsa pane kusiya murairidzi wavo, Arsene Wenger, achingoshoropodzwa ega.
‘Madiridziro ngaashande zvizere’
Kingstone Mapupu — MUMIRIRI weMudzi North mudare reNational Assembly — Cde Newton Kachepa — vokurudzira varimi kuti vashandise madiridziro zvizere senzira yekudzinga nzara.
Muroora anorova tezvara
Tafadzwa Mutsotso — PANA tezvara vakakwidza nyaya yekurohwa nemuroora wavo achibatsirana nemwanakomana wavo kumatare edzimhosva vachiti vanzwa nekufurufushwa zvekuti rugare hapasisina.
Shandisai mishonga inouraya sora: Seed Co
Malven Mugadzikwa — KAMBANI huru ine mukurumbira wekuuchika mbeu munyika muno yeSeed Co inoti zvakakosha kuti varimi vasimudzire goho ravo kuburikidza nekushandisa dzimwe nzira dzakareruka pakuita basa dzakaita sekushandisa mishonga…
Unzue oshuvira kutsiva Enrique
MUTEVEDZERI wemurairidzi weBarcelona – Juan Carlos Unzue – anoti anoda kutsiva Luis Enrique samaneja wechikwata ichi pachapera mwaka uno achiti haadi kupedza nguva achiita mitambo yekuzorodza pfungwa.
‘Anonditi ndibvise mimba’
Tafadzwa Mutsotso MUSIKANA wekutsveterwa nemukomana wake kuti aiite pamuviri ava kuzvidemba sezvo muchinda uyu ave kuti nhumbu iyi haizi yake, nekudaro anofanira kuibvisa.
New Curriculum: Kudzidza kuita sei?
BAZI redzidzo yepuraimari nesekondari rakaparura madzidziro matsva (new curriculum) kutanga kwegore rino.
Zvidzidzo munyaya
Munyaradzi Gunduza — Zvidzidzo zvaunogona kubura munyaya iyi: Mwoyo muti unomera paunoda — chidzidzo ichi chinobuda pakati paStanley naBeaula vaidanana pasina kutarisa zvekuti Stanley aive mukomana aishaya uye achitambudzika zvikurusa…
Musoro wenyaya
Munyaradzi Gunduza —- 1. TSANANGURA zvinhu zvisere zviri murungano rwuri mubhuku Pfuma Ndeyamaoko zvinofambirana nemusoro webhuku. [25]





