Chikomba chorambira nemukadzi wemuridzi
Muchaneta Chimuka — CHIKOMBA chekubatwa nemhosva yekudanana nemudzimai wemuridzi ndokuripiswa nedare raShe Ngezi, kuMhondoro, chakashamisa vanhu vaivepo apo chakabva chamutora ndokuenda naye zvikaita kuti muridzi wemukadzi asare achibongomora kuchema.
Mufushwa une dovi
MUFUSHWA wemunyemba kudya kunovaka muviri kubva pasichigare uko kwaiita kuti vakuru vekare vagare vakagwinya uye vasingabatwe nezvirwere pose-pose.
chi-town yakadira vanhu vayo suweji
— Ema ndokuiripisa $1 000 p ‘Kanzuru yatiitira hutsinye’ Muchaneta Chimuka — MUSHA weUnit O Extension, kuChitungwiza, wakasara wava gutukutu kunhuwa nemusi weMugovera wadarika apo kanzuru yeko yakanovhozhorera kurasa tsvina…
Van Dijk orwirwa
BRENDAN Rodgers obuda pachena kuti akaedza kutenga Virgil van Dijk kuLiverpool panguva yaairairidza kuAnfield asi akatadziswa nenhengo dzinoongorora vatambi vekunze vechikwata ichi.
Aguero orambira kuMan City
MUTAMBI weManchester City – Sergio Aguero – anoti ari kurwa kuti adzokere muchikwata ichi uye zvasarira kwachiri kuti chinoda kumutengesa here pachapera mwaka uno.
Hatfield Girls yagadzirira mujaho
Abel Ndooka — HATFIELD Girls High yemuHarare inoti chikwata chayo chemujaho wekumhanya chagadzirira kukwikwidza kumitambo yeMbare-Hatfield District Track and Field Competitions.
Kukodza mutauro
Ticha Danga — KURUNGA kwese kunoitwa nemutoo une mwero uye wakafanira. Chikonzero chekurunga ndechekuti zvabikwa zvigoendeka.
‘Mai mwana muri pfambi henyu asi ndinongokudai’
Trymore Muvhawa — VAMWE samusha vakashamisa vanhu vaive mudare apo vakati mudzimai wavo akaita chipfambi, izvo zvakakonzera kuti varambane ndokuzoroorwa nemumwe murume asi ivo vachiri kungomuda zvakadaro.
Madzibaba ovhundutsira Mapupu
Kingstone Mapupu — MUPOROFITA wekubuda muKwayedza svondo rapera achinzi akakurunga mvura yemuteuro nesikarudzi yake ndokuzopa vanhu kuti vanwe nekuigeza kumeso senzira yekutonhodza mweya yakaipa kuMhondoro-Ngezi, ava kuvhundutsira mutori wenhau uno.
Mbavha dzozama kuviga mhosva
Munyaradzi Gunduza — MATANHO anotorwa nembavha kuti dzisabatwe kuti dzainge dzaba mari paC and T Private Limited nezvikoniso zvacho. Vakuru veboka rinotungamirira zvemari paC and T Private Limited vakanga vave…






