Marangwanda ndeemunhu: Mapurisa

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) anoti mapfupa ekuwanikwa ari mudhamu rePamutengoubodzi Dam, kuMt Hampden pedyo neHarare mushure mekunge kamwana kemakore matatu ekuberekwa kabatwa nemweya

Mashura, mashura! …Mombe yakabara mhuru nhatu kamwe

Muchaneta Chimuka KUDUNHU rekwaSerima, kwaGutu, kune mhou yemombe yakabereka mhuru nhatu dziri hadzi dzose panguva imwe chete. Nyanzvi mune zvemhuka nezvipfuyo dzinoti kashoma kuti izvi zviitike sezvo zvichiwanikwa pamombe imwe chete…

Vanhu 88 vafa nemoto

Daphne Machiri GURUKOTA rinoona nezvenharaunda, mvura nemamiriro ekunze, Cde Oppah Muchinguri-Kashiri, vanoti vanhu 88 vafa nekuda kwenjodzi yemoto wesango kubvira gore 2009 kusvika pari zvino uyewo waparadza mahekita anosvika 1…

‘Ipai Prophet Madungwe nguva’

Munyori weKwayedza VAMWE vaverengi vanoti muporofita wekuti akaenda kudenga kaviri akaita musangano naMwari mbune ndokuwedzera achiti Mwari vachashanyira Zimbabwe mumwedzi waGumiguru gore rino haafanirwe kushorwa kusvikira zvaonekwa kuti zvaari kutaura…

Mapeza: Zvave kutoda Mwari

Abel Ndooka CHIKWATA cheFC Platinum chingaite icho chekutanga here chisiri chemuHarare kana Bulawayo kuhwinha mukombe weCastle Lager Premier Soccer League kubvira mugore ra1980? Parizvino FC Platinum ndiyo iri kutungamiri palog iine…

‘Ndinohayisa zvidhoma, sandawana’…Ndine zvekupfumisa, kuuraya’ …‘Ukasabhadhara unoona moto’ …‘Inhaka kuvana vangu’

Kingstone Mapupu N’ANGA yekwaKaterere, kuNyanga North, mudunhu reManicaland, iri kubuda pachena kuti ndiyo inopa vanhu zvidhoma kana zvikwambo zvinokonzera matambudziko mumhuri uye mamwe emaporofita makuru emuno anoenda kwairi vachinopihwa masimba…

Zvidhoma zvakabvuta chitunha …chikaita chimhuka . . . dhimoni rikabuda

Kingstone Mapupu VANHU vaiva parufu kwaMusami, mudunhu reMurehwa, vakapotsa vadzvamuka kutiza apo chitunha chemurume wechidiki chakasanduka chikaita kunge chimhuka kana chemumwewo munhu asingazivikanwe nehama chikazovigwa chichidhubhuka ropa mukanwa nemumhuno. Pane mashoko…

Vatori venhau vakachiona…Vakaperekedzwa rwendo nezvipoko

Kingstone Mapupu VATORI venhau veKwayedza svondo rapera vakapona neburi retsono vari kuRwenya, kuNyamapanda, mudunhu reMudzi, apo vakanozorora musango rine zvimbambaira nekusaziva mushure mekunge motokari yavo yafa vari pabasa. Pakaitika izvi, munyori…

‘Zvangu zvikwambo zvinodhura’. . . unomupa mota, mombe kana musvo

Kingstone Mapupu ZVIDHOMA kana kuti zvikwambo zvinonzi zvine mutengo uri pamusoro chaizvo uyo unogona kutangira pa$250 kusvika $1 000 zvichisiyana nebasa razvinenge zvichida kuzoshandiswa. Vamwe vanozvida vanotobhadhara nepfuma yakaita semombe…

Opura mari nenguruve, mombe

Muchaneta Chimuka CHIRONGWA cheHurumende icho chakananga kuvandudza upfumi hwenyika chinobudirira chete kana pakava nekushanda nesimba, zvikuru munyaya dzekurima sezvo muri imo mune hwaro hwebudiriro yeZimbabwe. Mashoko aya akataurwa namuzvinabhizimusi wekuNorton, VaLangton…