Makuwerere kuTanganda half marathon

KUCHANGE kusingadanwe anonzwa svondo rino nemusi weSvondo kwaMutare uko shangwiti dzekumhanya mujaho dzinosvika 600 dzichakwikwidza mumakwishu eTanganda half marathon.

Mudzimai wangu unoroya: Mufundisi

Gabriel Singano VAMWE Mai Mufundisi vakazopotera kudare redzimhosva vachiti vaoneswa chitsvuku nemurume wavo uyo anovati muroyi uye vanoda kupedza vana vavo nekuvadya.

Kuva murimi wefodya

PANGUVA iyo gadziriro dzekutengeswa kwefodya yemwaka wa2017 dzave kuitwa, apo mibhedha yekudyara mbesa dzefodya yakatotangisa kugadzirirwa tiri kusangana nemibvunzo yekuti munhu agaite sei kuti ave murimi wefodya.

Chirongwa chichadzidzisa vana vechikoro zvekurima

Daphne Machiri GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti vari kutora matanho akakodzera kuti zviri mugwaro idzva rekuvandudzwa kwefundo, reNew Education Curriculum, iro rinokoshesa kudzidziswa kwemabasa emawoko muzvikoro, zvinge…

Vodzidza kurima

VANA vepaNyambiri Secondary School, kwaSeke, vari kusimukira muzvidzidzo zvemabasa emawoko zvinosanganisira kurima izvowo zviri kuita kuti chikoro ichi chiwane mari.

Motta otsigira Blanc

THIAGO Motta ari kutsigira murairidzi weParis Saint-Germain, Laurent Blanc, kunyangwe hazvo shasha iyi iri kudzingwa basa. Blanc, uyo akambohwina mukombe weWorld Cup panguva yaakatamba nhabvu, ari kutarisirwa kubva kuLigue 1 apo…

tsotsi romera muchochororo

‘Akaba matoki ndokushinhirwa’ ‘Handisi tsotsi ini, kuroyiwa uku’  Muchaneta Chimuka MURUME wechidiki wekwaChikwaka, kudunhu reMashonaland East, akatarisana nedambudziko rinotyisa – anonzi ari kumera chinhu chinenge rembe kana kuti muchochororo pachirebvu…

Vaimbi ngatibatanei: Mutodi

MUIMBI weAfro-Pop neJazz, Tich Mutodi, uyo anotsigirwa nechikwata cheNzukwa Identity Band okurudzira vaimbi vemusambo uyu pamwe nesungura kuti vabatane pakuita mashoo nedonzvo rekusimudzirana. Panguva iyo kushomeka kwemari munyika kuri kutadzisa vamwe…

Kusunga dhuku: Yanga yakaipei?

MUNGAONE vanhukadzi mazuva ano vakasunga madhuku mukafunga kuti pamwe kuteta chando. Vamwewo maifunga kuti kusunga dhuku ndezvavanhu vakasara nechizvino-zvino, vamwe vafundisi veshoko raMwari vachiti inzira yokusungira vhangeri mudhuku.

Zvikoro 100 zvitsva

GURUKOTA rezvedzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti Hurumende ine hurongwa hwekuvaka zvikoro zvinosvika 100 munguva inotevera kumatanhu akasiyana enyika nedonzvo rekuwanisa fundo kuvana vose. Vachitaura pakuparurwa kwechirongwa cheNational Global Action…

×