Mayunivhesiti oyambirwa
‘Musarambidze vadzidzi kunyora bvunzo’ HURUMENDE inoti mayunivhesiti nemakoreji haafanire kurambidza vadzidzi vanenge vasina kubhadhara mari dzemafizi kunyora bvunzo sezvo kuita kwakadai kuri kutyora kodzero dzavo dzekuwana fundo. Vachitaura mudare reNational Assembly…
Anopisa nhumbi dzagogo dzemukati
Amager Mufema MUZUKURU anonzi ane katsika kekupisa zvipfeko zvaambuya vake zvemukati, kuvarova pamwe nekuvapumha huroyi. Juliet Mabure akadunura pamberi pedare reHarare Civil Court achiti ari kuoneswa pfumvu nemuzukuru wake Innocent Mabure.
Roja rakadzura gonhi
Yvonne Chidochashe Manyanja ROJA rekudzupura gonhi apo rairwisana nemudzimai waro zvikazoita kuti ribhadhariswe mari yekuritsiva rinonzi rave kudya marasha richiti riri kuda kudzoserwa mari yaro nemuridzi wemba. Florence Gono akaendesa Trevor…
Tsungai atsamwa nekuita kwasekuru
Ticha Tichaziva “WADIWA SEKURU” naRuth Gabi (123-125) Sekuru vaiwanzouya kumusha kupera kwesvondo musha wose wobva wazara nerufaro. Tsungai anodada nasekuru vake ava achitarisira kuve mubatidzi sezvo akange anzwa vachitaura nezvekuda…
Simbe
naPrecious Simbi Ndini Simbe muera badza Vamwe vachimukira muminda Ini ndakarara Nekubika chandinoda handikwanise Kupinda mumunda musana worwadza Pakudya ndomera manhenga
Pfuma inoshandirwa, kwete zvemishonga
MAPATYA akazvarwa akabatana (Siamese twins) – Kupakwashe naTapiwanashe – vakakwanisa kupatsanurwa pasina njodzi namachiremba, vakasvitsa makore maviri musi wa22 Kubvumbi gore rino. Machiremba akakwanisa kupatsanura vana ava vakanga vakabatana kubva pasi…
Imhosva kuita chikiribidi pakutengesa fodya
KANA bhero refodya yemurimi richinge ratorwa nekuda kuhutsotsi hwekuisa zvinhu zvakadai sematombo kana fodya nyoro kuti ringe richiita huremu hwakanyanya anopinda panguva yakaoma nekuti hapana kuvhika kwaungaite mhosva asi kubhadhariswa…
‘maticha dzidzaiwo’
Malven Mugadzikwa naYvonne Manyanja VARAIRIDZI vanofanira kuramba vachiwedzera fundo yavo nedonzvo rekuvandudza ruzivo rwavo pamwe nekukoshesa kudzidzisa mitauro yemunyika muno. Kurudziro iyi yakaitwa svondo rapera naDeputy Provincial Education Director wemuHarare, Mai…
‘Kasika kunoongororwa’
NYANZVI munyaya dzechivanhu vari zvakare mutungamiriri wesangano revarapi vechivanhu nevemakereke, reZimbabwe National Practitioners Council (ZINPA), Sekuru Friday Chisanyu, vanoti mishonga inogona kushandiswa mukuranga mbavha iriko iyo inokonzera zvakasiyana kune munhu…
Kurara pamubhedha weminzwa
CHAKAURAYA mhuka mune imwe ngano yandakaitirwa nambuya vangu kwaive kusabvunza. Mhuka dzakanga dzichiudzwa kuti Shumba afa, pindai mubako muchibata maoko. Asi mhuka dzaipindamo dzaisazobuda. Mhembwe imwe chete ndiyo yakazobvunza kuti sei matsimba…




