‘Rimai mbesa dzemuriwo dzakasiyana’

VARIMI vakakurudzirwa kuti vavandudze mabasa avo kuburikidza nekurima mbesa dzakasiyana dzakauchikwa nenyanzvi dzakaita semuriwo nenyemba nedonzvo rekuti vawane goho rinogutsa.

Ndakapinda satanism kuchechi

MUKOMANA wechidiki wemumusha weHopley, muHarare, ari kuti akashandiswa neimwe chechi ine mukurumbira iri muHarare kuti azviite muSatanist, asi iye asiri, nechinangwa chekuti chechi iyi igoita mukurumbira unokwezva

Midhudhudhu yamusvitsa pakaoma

MAKANIKA wekuzama noto nekuda kupfuma nezvekuba zvichitevera kutsakatisa kwaakaita mudhudhudhu waakange anzi agadzire pamwe nekutengesa injini yemumwe wacho, akaigochera pautsi apo akatongera kugara

Distin obva kuBournemouth

SYLVAIN Distin mumwe wevatambi vatanhatu vachabva kuchikwata cheBournemouth icho chinokwikwidza muPremier League zvichitevera kupera kwemakondirakiti avo.

Muswe wemombe mutakunanzva

Zviri Mugapu NYAMA yemuswe wemombe machikichori chaiwo kana ikabikwa zvemhando yepamusoro.

Kodzero yevanhukadzi kuivhu

“IVHU sechiwanikwa chagara chiripo, ndiro hwaro hwezvose zvinoitwa nevanhu. Kunyangwe zvazvo zvichiita kuti vanhu vararame vasina mimwe midziyo, hazvikwanisike kuti vararame pasina ivhu. Ivhu nekudaro rinofanirwa

Makuva 5 aye akazofushirwa

MAKOMBA emakuva mashanu anonzi akangofuma akacherwa pamumwe musha uri kwaMashayamombe, kuMhondoro, asi vanhu ndokutadza kuziva kana kunzwisisa nyakuita izvi, anonzi akazofushirwa nevanamati

Chikosoro munguva yechando

ZVIRWERE zvechikosoro kazhinji zvinobata vanhu vemazera ose munguva yechando apo muviri unopindwa nekutonhora kwakanyanya.

‘Nyoresai kurima fodya nenguva’

KAMBANI inotengesa fodya yeBoka Tobacco Floors inoti zvakakosha kuti varimi vanyorese kurima chirimwa ichi nguva ichiripo kuitira kuti zvizove nyore pakutengesa pane kuzoshandisa magwaro ekurima evamwe sezvo

‘Kana ndadhakwa . . .’. . . ndinowetera magumbeze aamai

Amager Mufema MURUME ane marambadoro, uyo anoti kana adhakwa anoitira weti mumagumbeze anorara amai vake, akaudza dare kuti haazive chinenge chamugara paanoita hunhu hunonyadzisa uhu.

×