Zvinorapika: Dr Madzima
DR Bernard Madzima, avo vanove director kubazi rezveutano nekurerwa kwevana vachishandira kuchikamu cheutano hwemhuri (Family Health), vanoti hudzi hunokonzerwa nezvakasiyana izvo zvinosanganisira mishonga inenge
Duramazwi: MASAMBAASIYANA
Iri izwi rinoshandiswa nemunhu kana achida kuratidza kuti zvinhu zvashata, hapasisina kutaudzana zvakanaka.
Kana baba vagumbuka…Vanorasa chikafu kumarara
Yvonne Chidochashe Manyanja VANHU vaive mudare vakakatyamadzwa apo mumwe mukadzi akati murume wake ane katsika kekutora zvekudya zvevana achinorasira kubindu kana achinge agumbuka.
Uyu akabva atizwa nemurume
VARWERE vegomarara vari kusangana nenyaya dzerusarura dzakawanda mukurarama kwavo dzinosanganisira kusemwa, kutukwa, kushaya pekugara kana kuparara kwewanano.
‘Gomarara neHIV neAIDS zvinodyidzana’
SANGANO reCancer Association of Zimbabwe rinoti chirwere chegomarara neutachiona hweHIV nedenda reAIDS zvinofambidzana nekudaro vanhu vakawanda vane denda iri vanopedzisira vabatwawo negomarara.
Ndinoroya nekuputa mbanje: Muporofita
MUPOROFITA ane mukurumbira kwaMurambinda, kuBuhera, anoti anoroya, chidhakwa chemandiriri, anoputa mbanje uye tsvimbo yaanoshandira nayo vanhu inyoka iyo akapihwa pasi pemvura paakadzidziswa zvekurapa
Mwana wekutorwa neshiri mutano
MWANA uye wekuGokwe wekumbotorwa neshiri ikaenda naye mudenga, ndokuzomudonhedza apo ainge arere mumunda vabereki vake vachisakura, anonzi mutano uye ari kukura zvakanaka.
Mutyairi wekombi akachemera ropa
VANHU vainge vakwira kombi yaibva muHarare ichienda kuChitungwiza svondo rapera vakazoiburuka vachiita zvechipiti-piti apo mutyairi wayo akatanga kuzhamba mota iyi ichifamba achishevedzera kuti ainzwa kuda ropa
MAONERO EDU: Itai fare, fare moti tindike!
NEMUSI weChishanu svondo rino, mhuri yeZimbabwe ichabatana nedzimwe nyika pasi rose mukupemberera zororo rePasika.
Galloway, Darikwa naBonne ndangendichivada: Pasuwa
MURAIRIDZI wemaWarriors, Callitso Pasuwa, anoti ari kukungura kutadza kuuya kwevatambi vatatu vanoti Brendan Galloway, Tendayi Darikwa naMacauley Bonne, avo vanotambira kuEngland.






