Vanhu vanodarika 22000 vafa
VANHU vanodarika 22 000 vakafa nekuda kwechirwere chegomarara pakati pagore ra2012 na2015. Izvi zvakabuda muongororo yakaitwa nebazi rezveutano nekurerwa kwevana nguva yadarika.
Chivanhu, zvinorapika: Sekuru Mutanga
GODOBORI rine mukurumbira, Sekuru Elisha Mutanga, vanoti zvirwere zvegomarara zvinokwanisa kurapwa nemishonga yechivanhu zvichipera kana zvichinge zvakasikirwa.
‘Zvikoro zvese fundisai vakuru’
HURUMENDE ine chishuwo chekuti munhu wose awane dzidzo, kusanganisira vechikuru, izvo zvakaona ichitora danho rekuti kutanga gore rino zvikoro zvose zvepuraimari zvitange zvirongwa zvedzidzo yevanhu vakuru.
DETEMBA TINZWE: NDEWANGU UYO-O!
naBelinda Mukubvu Aipfeka zvino ngowani nhema mucherechdedzo wedzidzo Zirokwe dema-dema bvu-u pamusoro pedzake mbyata. Manja kuvarume ukoo-o-oo! Bu-bu-bu, tonho-o-oo! Maungira nekumakomo Mhururu kuvakadzi ukoo! Lulululu yelele-yelele! Mazvionaka izvi? Hongu. Taisa…
Mude, mude musikana wako
ICHOKWADI chakaimbwa naAlick Macheso paakati, “Mude, mude musikana wako. Ride, ride basa rako.” Kune vanhu vasingazive kuti pavanorega kuda mumwe wavo – angave murume kana mukadzi – panenge pane vamwe…
Ochemedzwa nevana…‘Vanondiseka hanzi baba mune siki, hiv’
Yvonne Chidochashe Manyanja MURUME samusha wekunzi akapata musha kwemakore mana ndokuzodzoka ave kurwara nemukondombera akaudza dare kuti haachada kuona vana vake pamba sezvo vachigara vachimunyomba nekuda kwehurwere.
Akarasikirwa nemaziso ose
MUDZIMAI wekuEpworth, muHarare, akarasikirwa nemaziso ake ose nekuda kwechirwere chegomarara. Mai Jamila Bakali (49), vepanhamba 394 Cain Nkala, avo vanove chirikadzi, vanoti vakatanga kurwadziwa nemaziso muna1990
Muroora odzinga vamwene pamba
Yvonne Chidochashe Manyanja PANE muroora anonzi anogara achitukirira, kunanga huroyi nekudzinga vamwene vake pamusha achivati vachiri kugarirei pamba apa ivo vakarambwa natezvara vake kare.
Kurapwa kuri kutidhurira
GOMARARA ihosha inotambudza murwere pamwe nevapepi zvakanyanya kupinda zvimwe zvirwere sezvo denda iri richitora nguva refu munhu achiyaura naro.
Vobhadharira vana chikoro nemaricho
VAMWE vabereki vekuShamva, kudunhu reMashonaland Central, avo vari kukundikana kubhadharira vana vavo mari dzechikoro, vave kupota vachiita maricho pazvikoro izvi senzira yekuti zvienderane nemari dzinenge dzichidiwa.

