‘Koshesai utano hwemukanwa’
MUTEVEDZERI wegurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Adrain Musiiwa, vanoti zvirwere zvemukanwa zvizhinji, kunyanya izvo zvinowodza mazino, zvinokonzerwa nekudya kune shuga yakawanda.
Kurima hanyanisi nemazvo
Mudhumeni mukuru Ivan Craig HANYANISI tinoziwa basa radzo tose, vanhu vazhinji vanodzishandisa muchikafu kuitira kuti chinhiwirire, kuwedzera kunaka, dzichibatsira kuti munhu afafarire kudya nyangwe nevamwe vanenge vasina nhomba yekuda chikafu.
‘Dzidzisai mabasa emawoko’
SANGANO rakazvimirira reWorld Vision Zimbabwe rinoti zvakakosha kuti zvikoro zvisimudzire zvidzidzo zvemabasa emawoko akaita sekurima nekupfuya zvipfuyo sezvo vadzidzi vachizokwanisa kuwana raramo kubva mazviri mune
Maproblems ese disappear!
KANA tikati maproblems ese disappear, Mwari vobva vati newewo uri problem inofanirwa kuita disappear, unoita disappear uchienda kupi?
‘Mukadzi wangu kunditi muroyi ini . . .?’‘ Ehe, uri muroyi baba mwana’
MHURI yemubhuku raKapfumba, kwaMusana, yangova hubvanzu-hubvanzu nekuda kwekuti vari kunangana huroyi zvichikonzerwa nematambudziko avanoti haasi kuvaperera.
Zvimbokoma zvotsva kuNamibia
KUNOTSVA demo kugosara mupinyu svondo rino nemusi weMugovera kuNamibia uko vatambi vetsiva vaviri vemuno vari kusimukira vanoti Tinashe ‘Chairman’ Mwadziwana naTinashe ‘No Pressure’ Mutodzi vacharwa
Batsirai Isheanesu Mukumba (3)
VABEREKI vane mwana asingagone kufamba nekuda kwemitezo isina kuita zvakanaka vemudhorobha reMarondera vari kukumbira rubatsiro kuruzhinji rwekuti vakwanise kumurapisa uyewo nekuti awane wiricheya.
Kukanga mutetenerwa
NZUNGU chirimwa chakakosha zvikuru sezvo dziine kudya kunovaka muviri semapuroteni. Nzungu dzinogona kudyiwa dziri nepakawanda — dziri nyoro, dovi riri muusavi kana mubota, gwatakwata, mumhare kana kukanga kuita
Zvavachaita pazororo rePasika
RAKANGE riri besanwa muguta reHarare musi weChitatu svondo rino apo veruzhinji vaigadzirira zororo rePasika, iro richavepo kubva neChishanu chino kusvika neMuvhuro svondo rinouya.
—Ziva—Chitunde
Mabhasikiti echivanhu anonyanyozivikanwa nevazhinji ndeanoti, tswanda, dengu nerusero. Asi kune mamwewo mabhasikiti asinganyanyozivikanwa akaita sechitunde. Chitunde imhando yetswanda inowanzowanikwa kuvanhu










