Musadhakwe: Pasuwa…‘Hautambirwe bhora nezvinodhaka’

Malven Mugadzikwa MURAIRIDZI wechikwata chenhabvu chenyika chemaWarriors, Callisto Pasuwa, anoti vatambi vanofanira kusiyana nezvinodhaka sezvo zvichikanganisa matambiro avo pamwe nekudzikisira mutambo uyu. Pasuwa akataura mashoko aya svondo rapera kuGuruve, kuMashonaland Central,…

Akamitiswa nechikomba chaamai…Kuchikoro haachaenda, kufamba idambudziko

Kingstone Mapupu NYAYA yemimba yekamwana keForm 2 kekuDomboshava yokonzera kugeda-geda kwemeno zvichitevera mashoko anoti mwana uyu akamitiswa nechikomba chaamai vake asi vamwewo vachiti akanhumburiswa nasekuru vake. Mwana uyu, uyo ane makore…

‘Ndinogadzira mheni’…Ndiyo pfuti yemunhu mutema: N’anga …‘Ikashaya mhosva inodzoka kumuridzi’

Kingstone Mapupu N’ANGA yekuChipinge iri kuyambira veruzhinji kuti vasangotumidzirana mheni dzekugadzira nemishonga, kunyanya panguva ino yekunaya kwemvura, nekuti kana mheni yacho ikatumirwa kumunhu asina mhosva, inodzoka ichisvikorova iye anenge aitumidzira…

MAONERO EDU: Dai ari wako wainzwa sei?

SVONDO rino tine imwe nyaya inosuwisa zvikuru, nyaya yemusikana weForm 2 wekuDomboshava, uyo akasiira chikoro panzira zvichitevera kupihwa kwaakaitwa pamuviri. Mukubuda kwenyaya iyi, vamwe vari kuti pamuviri apa ndepechikomba chaamai vake,…

Varimi vokurudzirwa kushandisa mishonga yechivanhu

Muchaneta Chimuka NYANZVI dzezvekurima paUniversity of Zimbabwe dzakatanga chirongwa chekukurudzira varimi kushandisa mishonga yechivanhu, iyo inonzi haina njodzi kuutano hweveruzhinji, mukudzivirira zvirwere kuzvipfuyo pamwe nezvirimwa zvavo. Izvi zvakabuda pamusangano wakaitwa nguva…

Ndichaita wekutanga kukunda Joshua: Chisora

DERECK Chisora anoti anogona kuita mutambi wetsiva wekutanga kukunda Anthony Joshua kana vatambi vaviri ava vakanzi varwe vese gore rinotevera kuLondon O2 Arena. Joshua akahwina mutambo wake wechi15 asati ambokundwawo svondo…

Chikoro chava njodzi…Chapera kun’en’enwa nemujuru …Vana nevarairidzi votyira upenyu

Muchaneta Chimuka VADZIDZI nevarairidzi vepaChitindiva Primary School, kuHurungwe, vari parumananzombe zvichitevera kuparadzwa kuri kuitwa chikoro chavo nemuchenje izvo zvave kuisa upenyu hwavo panjodzi yekudhirikirwa. Kwayedza yakashanyira chikoro ichi nguva pfupi yadarika…

‘Tava kuda chizvino-zvino muzvikoro’

Muchaneta Chimuka VAMWE vana vechikoro vanoti chishuwo chavo chekuti vakwanise kudzidza vachifambirana nenguva kuburikidza nekushandisa ruzivo rwechizvino-zvino rwakaita sedandemutande, iya inonzi E-learning. Kwayedza svondo rapera yakaita hurukuro nevamwe vadzidzi zvichitevera kuvharwa…

Zvikwata zvepsl zvakanwisa ka502

Abel Ndooka ZVIKWATA zvose zvaikwikwidza mumutambo weCastle Lager Premier Soccer League uchangobva kupera zvakanwisa ka502 kubva mumitambo 480 yakatambwa mwaka uno. MuPSL manga muine zvikwata 16 uye chikwata chega-chega chakatamba mitambo…

Harahwa yekupondwa yakavigwa

Kingstone Mapupu MUTUMBI wemurume harahwa uya wekwaSeke — wekupomerwa kuti muroyi ndokuzopondwa achiita zvekupiswa nemoto, kurohwa nemazishamhu ane minzwa nebakatwa uye achidzipwa nechikwata chevanhurume vaive pachaunga chaisanganisira vanakomana vake —…

×