Nhabvu yevechidiki yosimudzirwa

Abel Ndooka SANGANO reHarare Junior Football League rinoti riri kushanda zvakasimba mukubika vatambi vechidiki vemutambo uyu rakabatana neshasha dzakaita mukurumbira munhabvu pamwe nevarairidzi. Masvondo adarika, sangano iri rakaronga mutambo weboka reUnder…

Murwere odzingwa pamba

Kingstone Mapupu DAMBUDZIKO remudzimai wekuDzivaresekwa 3, muHarare, uyo akambobuda muKwayedza gore rapera achiyaura nechirwere chegomarara remuchibereko iro rakonzera kuti adziuke maronda achibuda honye kusikarudzi yake rawedzera. Mercy Karumbwana (32), wepanhamba 340/A

‘Ngirozi yava pedyo kusvika’

Kingstone Mapupu MUPOROFITA uye wechechi yeJohane Masowe weChishanu, wekumindamirefu yeShanga, kuBeatrice, uyo akavimbisa kuti chitunha chemukuwasha wake chichamuka mushure mekuita husiku hwose achichitova asi mapipi ake ndokushaya basa, iye zvino…

Nbsz yofambisa mashoko nyore

Mathew Masinge SANGANO reNational Blood Services Zimbabwe (NBSZ), iro rinoona nezvekuchengetedzwa pamwe nekufambiswa kweropa munyika, svondo rapera rakapihwa michina mitsva yekufambisa mashoko nechimbi-chimbi yeVoice over Internet Protocol (VoIP) inokosha mari…

Mutupo: Shava nyakudirwa

Maita Masvinga, Hekani Muchamanya, Zvaitwa mwana waKache Tinotenda Mhukahuru. Maita vari Shangure, Kuziva zvenyu vari Chikwidibire. Maita matateguru, Vari Chamukwenjera. Zvaitwa vari Maware, Hekani Gurudza, Vokwa Tungebwe, vokwaMuchenje. Hekani Bonda,…

‘Wakamboda kuzviuraya, saka handikupe vana’

Sandy Musungata YAKAVE batai-batai mudare reHarare Civil Court svondo rapera apo mukadzi nemurume vaikakavadzana pamusoro pekuti ndiani ane kodzero yekuchengeta vana mushure mekurambana kwavo. Nyaradzo Bipi akazvuvira Nhamo Mudondo kudare iri…

Ndinopengesa Mbavha: n’anga‘. . . zvinhu zvabiwa zvichidzoka’

Malven Mugadzikwa N’ANGA yechikadzi yekwaMurehwa inotsidza kuti ine mushonga wekuranga mbavha uyo unoita kuti kana tsotsi rikabira munhu, rinodzosa zvinhu zvaraba apo rinenge rorasika njere. Mbuya Svotesai Matope (63), avo vanozivikanwa…

Musikana wekumera hohwa akatiza nekasvava

Kingstone Mapupu MUSIKANA uye wechidiki wemuHarare, uyo wekubuda muKwayedza masvondo matatu adarika achipupura kuti anoita zvechipfambi izvo zvava kuita kuti amere zvinhu zvinenge hohwa kusikarudzi yake mushure mekunge ashinha nemumwe…

‘Ndinokwaturirwa kubasa nemukadzi’

Kudakwashe Chinokuya MURUME wekugara achizvambaradzwa neaimbova mukadzi wake, kunyangwe pamberi pevakuru vake kubasa nevamwe vaanoshanda navo, akatozopotera kudare. Liberty Matsimbe akamha’arira Jennifer Tambu kuHarare Civil Court achiti ari kuoneswa pfumvu nekurohwa

Oroverwa kuramba kuenda kuchechi

Sandy Musungata MUMWE mukadzi anoti aoneswa chitsvuku nekurohwa nehanzvadzi yake iyo yakambomubaya nebanga ndokutyorwa ruwoko nechikonzero chekuti ari kuramba kuenda kuchechi kwake. Sofia Marovha akamhan’arira hanzvadzi yake, Tafiremutsa Marovha, kudare reHarare…

×