Gadziriro dzemaAll Africa Games dzoitwa

GADZIRIRO dzechikwata cheTeam Zimbabwe icho chichanomirira nyika kumitambo yemaAll Africa Games kuBrazzaville, kuRepublic of Congo nguva inotevera dzave padanho repamusoro.

Muimbi akatiburwa nezvidhoma

GOODWEL CHARI, muimbi wekumboita mukurumbira nekambo kanoshora zvidhoma nemabasa azvo —kanonzi “Tula Bechilubhe” — wekudunhu raShe Chimombe, kuBuhera, anoti akaita nguva refu achirohwa nezvinhu

Shoo yakatanga

SHOO yevarimi yeHarare Agricultural Show yakatanga svondo rino neMuvhuro uye ichaitwa kwemazuva matanhatu kusvika neMugovera.

Akabviswa zino nemuvakidzani . . . ‘Vende iri ndiye akandidashura’

Sandy Musungata MURUME wekuti anzwa nekurohwa zvekusvika pakubviswa zino nemuvakidzani wake nenyaya yemuganhu akataridza vende racho mudare seumboo.

180000 voinga Judgement Night 3

VANHU vanodarika 12 000 vanotarisirwa kubva kunyika dzakasiyana kuzopinda munamato wechechi yeUnited Family International Church unodaidzwa kuti “Judgement Night 3” uyo uchaitwa husiku hwemusi weChishanu

‘Uchafira mumawoko angu’

MUKADZI wekugara achivimbiswa rufu nemurume wake akazopotera kudare achiti upenyu hwake hwava parumananzombe.

‘Mwana handichengete, ndakakutsvagira basa’

Kudakwashe Chinokuya VANHU vaive mudare vakashaya neremuromo apo mumwe mukadzi akati anoda kuti mumwe murume achengete mwana waasina kumbobvira akaona kana kuziva zita rake.

‘Batsirai musikana anoba nenjuzu’

VABEREKI vemusikana wechidiki wekwaMurambinda, kuBuhera, uyo anonzi akareurura kuti anoba achishandisa shave renjuzu uye anoitwa mukadzi neimwe yenjuzu kurwizi rweko, vari kukumbira kuruzhinji rkuti vabatsirwe padambudziko rine mwana wavo iri.

Balotelli munyepi: Carragher

SHASHA yekuongorora nhabvu paSky Sport News, Jamie Carragher, anoti Mario Balotelli akanyepera varairidzi vemutambo uyu vakawanda zvekusvika pakufunga kuti mutambi wemhando yepamusoro-soro.

DETEMBA TINZWE: ZVAKANDIWANA NDIVETE

 naClement Mutimwii Ndaisimboswera ndakaruma bhonzo nemadzikirira Nhunzi dzichitambira parwizi rwerute rwangu

×