Hurudza dzakakumba mibairo
VARIMI vechidiki, kubva kumativi mana enyika, avo vanova nyanzvi mubasa ravo vakapihwa mibairo svondo rapera kuHarare Agricultural Show pasi pemakwikwi eNational Hurudza Young Farmers’ Awards.
Mapurisa vari kuvhima mhondi
MAPURISA ekuHwedza, kuMashonaland East, vari kuferefeta nyaya yemurume anofungidzirwa kuti akapondwa svondo rakapera pamberi apo aibva kudoro nemumwe wake husiku.
Kodzero dzevana: Zim yorumbidzwa
SANGANO reUnited Nations rinoti rinofara zvikuru nebudiriro yaitwa neZimbabwe mukuchengetedza kodzero dzevanasikana, zvikuru mukurwisa kuroorwa kana kuroodzwa kweavo vasati vabve zera.
Gadziriro dzeCossasa dzotanga
MUTUNGAMIRI wesangano reNational Association of School Heads pamwe nereConfederation of Schools Sports Southern Africa, Johnson Madhuku anoti gadziriro dzemitambo yeCossasa dzave padanho repamusoro uye
A-LEVEL — PAFUNGE: Rebina anofumura zvemimba yaRudo
CHITSAUKO 17 (Ongororo: Enderero mberi) Tinozogumisira kusangana neenzaniso inoti vanhu vaigara mumisha yakapoteredza mishoni vaidana “Savana vomunhu mumwe chete” (80).
— Ziva —: CHIKWERETI
IZWI rekuti chikwereti harisi rechiShona, asi kuti rakabva kune rerurimi rweAfrikaans rinonzi “skuld”. MuchiShona chaicho, chikwereti chinonzi mungava. Kana munhu aine mungava, akabvisa imwe mari, asi posara imwe, iyoyo inenge
Stanbic Bank yakabatsira vanorarama nehusope
SANGANO reAlbinos Charity Organisation of Zimbabwe (Alcoz) rakapihwa mafuta ekuzora pamwe chete nemishonga inokosha $5 800 iyo ichashandiswa nevanhu vanorarama nehusope nebhanga reStanbic Bank.
GRADE 7: Kushandisa madimikira
Ticha Danga ZVAZVADAI tava kudongorera mukunyorwa kwebvunzo dzekupera kwegore. Kupera kwaNyamavhuvhu tinenge tasarirwa nemwedzi waGunyana chete, tobva tapinda mukunyora bvunzo. Izvi zvinoreva kuti nguva chaiyo
Vana vakaratidza matarenda avo
VADZIDZI kubva kuzvikoro zvinosvika 25 zvepuraimari nesekondari zvemuHarare svondo rapera vakawana mukana wekuratidzira matarenda avo mumitambo yakasiyana pasi pechirongwa cheAnnual School Festival.
Harisi shavi renjuzu: N’anga
VAJONATHAN Shonhiwa Mupamombe (49) vekuTshovani, kuChiredzi vanoti musikana wekuBuhera uyo anonzi anoba zvinhu zvevanhu achishandisa shave renjuzu anogona kunge aine mamwe mashave.






