Chabvondoka kuChipaz Bhora

KUCHANGE kusingadanwe anonzwa svondo rino nemusi weMugovera kunhandare yeGwanzura Stadium, muHarare kumutambo wevaimbi vesungura neveZim-Dancehall weChipaz Bhora.

Mutambo uyu uchaona chikwata chevatambi vesungura vanosanganisira Alick Macheso, Jah Prayzah, Sulumani Chimbetu, Peter Moyo, Mathius Mhere naBaba Mechanic Manyeruke vachisangana neveZim-Dancehall vakaita sa Soul Jah Luv, Seh Calaz, Killer T, Kinnah pamwe naTocky Vybz.

Unotambwa gore rega-rega uye pawakatanga waitambwa uri wevaimbi neshasha dzakanetsa munhabvu kare asi kubva gore radarika wave wevaimbi veSungura neveZim-Dancehall.

Makwishu aya ari kurongwa naPartson Chimbodza weChipaz Promotions iyo ine mukurumbira wekuronga mashoo evaimbi vazhinji.

Mutambo uyu usati watanga, pachatamba vatori venhau vePrint vs Electronic Media kozoti weCAPS United vs FC Platinum.

Muhurukuro neKwayedza svondo rino, Chipaz sekunyanya kuzivikanwa kunoitwa Chimbodza, akati mutambo uyu ndewekutsvaga mari yekubatsira vanotambudzika muhupenyu hwavo.

Chipaz anoti gore rino Chipaz Promotions ichabatsira sangano rinochengeta vakwegura nerimwe renherera.

“Achange ari makuwerere svondo rino pamutambo weChipaz Bhora, uyo uchaona vatambi vesungura vachisangana neveZim-Dancehall.

“Donzvo redu ndere kutsvaga mari yekubatsira vanotambudzika muhupenyu hwavo saka mari yese yatichawana tichaishandisa kubatsira vakwegura nenherera.

“Vaimbi vose vari kutsigira mutambo uyu uye vari kuita zvavanokwanisa kuti ugobudirira,” akadaro Chipaz.

Zvakadaro, maziso ose change ari pamutambo weSungura vs Zim-Dancehall asi usati watanga CAPS United ichasangana neFC Platinum mumutambo uyo zvikwata zviviri izvi zvichashandisa segadziriro apo zvakatarisana nekutanga kwemwaka mutsva kwePremier League.

Zvikwata zviviri izvi zvakatenga vatambi vatsva saka zvichatora mukana wemutambo uyu kuvaongorora.

CAPS United yakatenga vatambi vakaita saBrian Abbas Amidu, Archford Gutu, Allan Gadzikwa naTafadzwa Dube kozotiwo FC Platinum yakatengawo Hillary Bakacheza.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *