Typhoid yapararira: Chonzi

MUKURU anoona nezveutano mukanzuru yeguta reHarare, Dr Prosper Chonzi, vanoti vanoshushikana zvikuru kuti huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere chemanyoka etyphoid hwawedzera mukati memasvondo maviri adarika kubva pa15 kuenda pa138.

Vanoti vamwe vevarwere ava vari kunzvimbo dzinosanganisira Budiriro, Glen Norah, Mabvuku, Tafara neHopley.

“Munzvimbo yeMbudzi, pedyo neHopley, kune vatengesi vemumigwagwa vakawanda uyezve hakuna zvimbuzi izvo zviri kubatsira mukuwedzera huwandu hwevanhu vari kubatwa nezvirwere zvemanyoka nepamusaka pehuchapa hwakanyanya,” vanodaro Dr Chonzi.

Vanoshora zvakare zvimbuzi zviri kungocherwa pose-pose kuHopley vachiti kana mvura ichinge yonaya, zvinozara tsvina yoyeredzwa ichienda kunzvimbo dzinogara vanhu pamwe nemumatsime emvura yekunwa.

Dr Chonzi vari kukurudzira veruzhinji kuti vagare vakashambidzika kuburikidza nekugeza mawoko, kunyanya kana vangobva mukushandisa chimbuzi, pamwe nekudya chikafu chinodziya senzira yekuderedza kupararira kwezvirwere.

Zvirwere zvemanyoka zvinosanganisira typhoid, diarrhoea, dysentery, giardia necholera.

Diarrhoea inokonzerwa nekudya chikafu chisina kutsvinda uye murwere anoita manyoka akaita semvura kanodarika katatu pazuva.

Manyoka emhando iyi anoita kuti muviri urasikirwe nemvura yakakosha uye kana akasarapwa nekukasika, murwere anorasikirwa neupenyu.

Manyoka aya anowanzobata vana vari pasi pemakore mashanu ekuberekwa nekuti vanokwanisa kungodya zvinhu zvose-zvose vasina kugeza mawoko.

Kana munhu achinge aita manyoka kwemazuva akati wandei, denda rinenge ratokura.

Dysentry manyoka anokonzerwa neutachiwana hunonzi amoebas.

Manyoka aya anoda kurapwa nekukasika nekuti anogona kuuraya. Manyoka anoita kuti munhu arutse icholera. Murwere ane cholera anoita manyoka akacheneruka kunge mvura yagezeswa mupunga uye anochaya zvisina zororo.

Cholera inokasika kutekeshera munharaunda kana pachinge paita munhu anayo kuburikidza nekusangana kunoita vanhu kana kubata marutsi netsvina yemurwere.

Giardia ndeimwe mhando yemanyoka inokonzerwa nekunwa mvura ine utachiona hunonzi giardia lamblia parasite.

Utachiona uhu hunokonzerwa nekunwa mvura isina kuiswa mishonga kana kuti ine tsvina.

Murwere ane giardia anofanira kuona chiremba nekukasika asi dzimwe nguva chirwere ichi chinogona kupera kuburikidza nekunwa mvura yakawanda uye yakachena pamwe nechikafu chakakodzera.

Kana munhu achinge aita chirwere chemanyoka anofanira kukurumidza kunorapwa.

Vanhu vanokurudzirwa kushandisa mishonga inouraya utachiona mumvura seWater Guard.

Tsvina kana marutsi emurwere zvinofanira kuiswa muchimbuzi uye zvimbuzi izvozvo zvinofanira kugara zvakachena, zvichigezwa nemishonga.

Murwere anofanira kupihwa mvura yakawanda seine shuga nemunyu inenge yakafashaidzwa.

Zvipimo zvemvura nemunyu nezvinosanganisira 750ml dzemvura, zvipunu zvitanhatu zveshuga nechidumbu chechipunu chemunyu.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *