Chabvondoka kuTanganda Half Marathon

Abel Ndooka

MUSI weSvondo uno nzira dzose dziri kunanga kwaMutare, uko shasha dzekumhanya kubva pasi rose dzichakwikwidzana muTanganda Half    Marathon.

Mujaho uyu, uyo wakareba makiromita 21, makore ese unorongwa neTanganda Tea Company.

Shasha dzemarathon dzichakwikwidzana mumijaho mitatu inoti wemakiromita 21, wemakiromita 10 newemakiromita 5.

Operations manager weTanganda Tea Company — Farai Garayi — anoti gadziriro dzemujaho uyu dzasvika kwamvura yacheka makumbo.

Anoti gore rino vari kutarisira kuronga mujaho mukuru kudarika yemakore adarika.

“Gore rino, tiri kutarisira zvikuru kumujaho wedu, uyo uchange wakakura kupfuura makore adarika nokuti tange tichitambira nhare kubva kune vanomhanya vanobva kumatunhu akasiyana-siyana nekunze kwenyika.

“Izvi zvinorakidza kuti                           mujaho wedu uri kuteverwa zvikuru uye tinovimba kuti musi weSvondo uchange uchinakidza zvekukunda ngoma kurira,” anodaro Garayi.

Panoitwa Tanganda Half Marathon gore negore, sangano reNational Athletics Association of Zimbabwe rinoshandisawo makwikwi aya senzira yekutsvaga mumiririri wenyika kumujaho mukuru weWorld Half Marathon.

Naizvozvo, uyo achahwinha mujaho uyu svondo rino ndiye achazonomiririra Zimbabwe kumakwikwi aya, ayo achazoitirwa munyika yeUnited States muna Gunyana.

Svondo rino, shasha dzemarathon, dzinosanganisira Moses Tarakinyu naEthel Pangiso, dziri kutarisirwa kurwira mikombe yadzo yadzakahwinha gore radarika.

Maziso ese achange ari panaTarakinyu, uyo vazhinji vachada kuona kuti achahwinha here mujaho uyu kechitatu kakatevedzana.

Tarakinyu akahwinha mujaho uyu mugore ra2023 uye 2024, saka vazhinji vakatarisira kuona kuti achazvidzokorodza zvakare here rwendo rwuno.

 

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *