MaChevrons obandana neSA

Abel Ndooka

CHIKWATA chenyika checricket chichatatsurana necheSouth Africa mumitambo miviri yeTest kuQueens Sports Club, kuBulawayo, kutanga nemusi weMugovera svondo rino.

Mutambo wekutanga wezvikwata zviviri izvi uchatambwa kubva musi weMugovera kusvika 2 Chikunguru.

Nerimwe divi, mutambo wechipiri unotarisirwa kutanga musi wa6 Chikunguru uchizopera musi wa10 Chikunguru.

MaChevrons ari kupinda mumutambo uyu achangobva kusangana neEngland mumutambo weTest wakatambirwa munyika yeEngland.

MaProteas eSouth Africa ari kupindawo mumutambo uyu morari yavo iri pamusoro zvichitevera kuhwinha kwavakaita mukombe weICC World Test Champions nguva yadarika.

Murairidzi wemaChevrons — Justin Sammons — akadoma chikwata chakasimba chine vatambi 16, icho chichasangana nemaProteas.

Muchikwata chaSammons, mune vatambi vanosanganisira Craig Ervine, uyo achange ari kaputeni; Brian Bennett; Tanaka Chivanga; Wessly Madhevere; Vincent Masekesa; naSean Williams.

Muchinyorwa chakabva kuZimbabwe Cricket, Sammons anoti: “Pane kufara kuri muchikwata.

Ndinofunga kuti vari kufara uye kutarisira mutambo uyu. Ini ndiri kufara tichitarisa zviri mberi kwedu uye vakomana vakagadzirira zvikuru.

“Vari kutarisira kuzviona vachitamba nekuzvirakidza kuti vanogona kuita zvakaita sei. Ndinofunga kuti vanoda kutaura zvakawanda mumasvondo ari kutevera.”

Chikwata cheZimbabwe

Craig Ervine (kaputeni), Brian Bennett, Tanaka Chivanga, Trevor Gwandu, Takudzwanashe Kaitano, Wessly Madhevere, Clive Madande, Vincent Masekesa, Wellington Masakadza, Prince Masvaure, Kundai Matigimu, Blessing Muzarabani, Newman Nyamhuri, Tafadzwa Tsiga, Nicholas Welch, Sean Williams

 

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *