Simba Bhora yorongera FC Platinum

Abel Ndooka

SHASHA yeCastle Lager Premier Soccer League (PSL) yemwaka wadarika — Simba Bhora — svondo rino iri kunanga kuMandava, kuZvishavane, uko ichanosangana neFC Platinum mumutambo uri kutarisirwa kunakidza zvikuru.

Kunakidza uku kuchabva pakuti Simba Bhora, iyo iri kurairidzwa naJoel “Dubai” Luphahla, ndiyo yave pamusoro pelogo rePSL. Izvi zvinotevera kutamba kwairi kuita nhabvu inonwisa mvura. Nekune rimwe divi, Pure Platinum Play ndicho chikwata chega chisati chambokundwa mwaka uno pamitambo 17 yemuPSL yatora nzvimbo kusvika pari zvino.

Mwaka wa2024, pakasangana zvikwata zviviri izvi, mutambo wekutanga — uyo wakatambirwa kuWadzanayi Stadium, kuShamva — wakapera uri mangange 0-0, kuchizoti mune wechipiri wakatambirwa kuMandava Stadium,  kuZvishavane, chikwata  chaNorman Mapeza ndicho chakahwinha 2-0.

Izvi zvinotaridza kuti svondo rino hakudanwi anonzwa sezvo chikwata chimwe nechimwe chiri kuda kuhwinha mumutambo uyu.

Norman Mapeza

Mumwe mutambo uchange wakatarisirwa zvikuru nevatsigiri vazhinji venhabvu svondo rino uri pakati peHighlanders FC neMWOS FC musi weSvondo kuBarbourfields, kuBulawayo.

Bosso iri kupinda mumutambo uyu ichangobva kudzinga murairidzi wayo, Kelvin Kaindu, uyo akasiyiswa basa svondo rino. Kwoti MWOS FC ine marwadzo ekukundwa kekutanga mumitambo yePSL.

Svondo radarika, maPunters, rinova rimwe remazita emadunhurirwa eMWOS, akakundwa 3-1 neNgezi Platinum, izvo zvakakatyamadza vatsigiri vechikwata ichi.

MWOS yange ichinetsa kukunda mune mimwe mitambo yayatamba muPSL mwaka uno.

Kukundwa uku kwakabva kwaita kuti chikwata ichi chibviswe pamusoro pelogo, pachibva pagarwa neSimba Bhora, iyo yakakunda Yadah Stars FC mumutambo wayo wesvondo radarika.

Mumutambo uriko musi weSvondo, zvikwata zviviri izvi, Bosso nemaPunters, zvichange zvichisangana kekutanga muPSL.

Dynamos, iyo yakaramba kupedzisa mutambo wayo neFC Platinum svondo radarika zvichitevera kupihwa kwakaitwa Pure Platinum Play pena kuMandava, iri kunanga kuNyamhunga kunosangana neZPC Kariba musi weMugovera.

Triangle United, iyo yakazvambaradza GreenFuel 5 -1 svondo radarika, izvo zvakazotuma chikwata ichi kushandura murairidzi wacho, ichange iri pamusha kuGibbo Stadium musi weSvondo ichitatsurana nevakomana vatsva vemuPSL, veScottland FC.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×