Chirongwa chichadzidzisa vana vechikoro zvekurima

Daphne Machiri

GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti vari kutora matanho akakodzera kuti zviri mugwaro idzva rekuvandudzwa kwefundo, reNew Education Curriculum, iro rinokoshesa kudzidziswa kwemabasa emawoko muzvikoro, zvinge zvichizadziswa.Vaitaura pakuparurwa kwechirongwa chekudzidzisa vechidiki mabasa ekurima, cheFit for Life Young Farmers Club Empowerment and Entrepreneurship Project Phase Two, paKanyemba Secondary School iri kuChiweshe.

Chirongwa ichi chiri kutsigirwa nebhanga reBarclays pamwe nesangano rinomirira varimi, reZimbabwe Farmers Union.

Barclays yakapa $206 000 kuchirongwa ichi iyo inotarisirwa kubatsira vechidiki vanosvika 17 000 kuti vasimukire mumabasa ekurima.

“Kuvandudza mabasa emawoko muzvikoro kwakanakira kuti mune remangwana kunopa chouviri kune avo vasingakwanise zvekunyora nekuverenga zvakare nevanosiira chikoro panzira.

“Tichabatana nesangano reZimbabwe Famers Union muchirongwa chekudzidzisa vana vechikoro kuti vave neruzivo nezvinodiwa mukuita basa rekurima sezviri muNew Education Curriculum, iyo inokoshesa kudzidziswa kwemabasa emawoko muzvikoro,” vanodaro Dr Dokora.

Vachitaura pachiitiko ichi, VaSam Matsekete, avo vanove mukuru wezvemari weBarclays Bank, vanoti donzvo ravo nderekusimudzira vechidiki nekudaro vacharamba vachitsigira chirongwa ichi. ZFU president, VaAbdul Nyathi, vanoti vanotambira nemawoko maviri mushandirapamwe pakati pesangano ravo nebazi redzidzo yepuraimari nesekondari mukudzidzisa vana vechikoro nezvekurima.

Related Posts

Mutumbi wanhongwa mumugwagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemutumbi wemurume asina kuzivikanwa kuti ndiani uyo wakawanikwa mumugwagwa Elly kuKwekwe. Mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands Inspector Emmanuel Mahoko vanoti…

Mutupo Festival younza mimhanzi nekuzivikanwa pamberi

Munyori weKwayedza MUTUPO unogona kuvhura hurukuro, kubuditsa ukama nekushandura mutorwa kuva hama. Mwedzi waGumiguru uno, pfungwa iyoyo yekuve vemhuri imwe chete inenge iri pakati pedandaro paMhemberero yeMutupo (Mutupo Festival), iyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×