
NYAYA yekunangana huroyi pakati peimwe mhuri inobva kuChimbwanda West, kuMarondera, yakapedzisira yasvika kunhepfenyuro yeStar FM vemhuri iyi vachitsvaga kubatsirwa neveruzhinji.
Kuratidza kuipa kwenyaya iyi, kana mudzimai wemurume ari kunzi nevamwe vake akaromba, anotiwo apfidziswa nezvidhoma “zvababa izvo zvinondiita mukadzi ivo varipo”.
Mhuri yekwaMudimu yakanozvipira kunhepfenyuro iyi kuchirongwa chaTilda Show, icho chinoitwa naTilda Moyo-Karizamimba nemusi wa29 Zvita gore richangopera ichitsvaga mazano kuruzhinji panyaya yekupumhana huroyi iyi.
Big Mudimu (52), uyo anova mukomana mukuru wemhuri nemunini’ina wake, Munyaradzi Mudimu (45), vari kunetsana nenyaya dzehuroyi.
Mudzimai waBig, Susan Manhinhi (45), ari kupumhawo murume wake achiti anoshereketa, ane zvikwambo.
Aona kuti ruvengo rwanyanya pakati pake nehama dzake zvose nemudzimai wake, Big akazozvipira kusangana nevamwe vevanhu ava kunhepfenyuro asi anoti Munyaradzi aisada kuti vaende.
Big, achitaura pamhepo mutori wenhau uno aripowo, anoti haana chaanoziva nezvemabasa ehuroyi aari kupomerwa uye anotodawo kufamba nemhuri yavo kuti achenurwe pane zvinotaurwa izvi.
“Handina chandinacho ini, nyaya iyi inotaurwa nehama dzangu dzose, kusanganisira iyeyu munin’ina wangu nemudzimai wangu vari pano. Ini handisi muroyi asi changu bedzi ndechekuti ndinoita zvechivanhu nekutevedza midzimu yangu. Handizive kuti ndiko kuroya here?
“Ndinoda kufamba navo kun’anga izvo zvavari kuramba, ivo vanoda kuenda kumapositori,” akadaro.
Big ndiye ava kunzi baba mumhuri iyi uye akaberekwa ari oga mumba mababa vake kuchiti Munyaradzi mwana wababamudiki vake.
Big anoti dambudziko rekunzi muroyi iri rakatanga mugore ra2003 apo mumusha mavo makaita hurwere hwababamudiki vake ndokubva mhuri yafamba kumaporofita zvikanzi aifungirwa kuti ane chikwambo. “Dambudziko irori rakambokonzera kuti ndipesane nemudzimai wangu. Akatomboenda nemhuri kunogara kumusha kwake. Munin’ina wangu, Munyaradzi, akazotama kumusha achinogara kuHarare nekuda kwenyaya yekunzi ndiri muroyi uyewo vana vangu havadi kundiona,” akadaro Big.
Murume uyu anoti anonzi nehama dzake akanotora chikwambo kuSouth Africa izvo anoramba.
Vanasikana vaBig vanonzi vanoti vanoitwa madzimai nezvikwambo zvinonzi ndezvababa vavo.
“Ini ndaienda kuSA (South Africa) ndichinohodha ndichiigira mhuri yose hupfu mugore renzara. Chandakakwanisa kutenga ndakazvimirira iinjini yekudhonza mvura iyo ndinodiridzisa mubasa rangu rekurima. Imba chaiyo ndiri kutadza kupedzisa kuivaka,” akadaro Big.
Munyaradzi anoti nyaya yekuti mukoma wake ane zvikwambo inobatwa kwose kumachechi kunofamba mhuri yavo.
“Nyaya iyi haisi yekuvanza, inozivikanwa uye tinoda kuti igadziriswe semhuri. Asi chinonetsa ndechekuti mukoma vanoda kuita zvekun’anga apo isu vamwe tave kunamata kwete zvekunopihwa mishonga kudzin’anga. Mukoma vanoda kuita zvechivanhu,” anodaro.
Mumhuri iyi munonzi mune vana vanorwara zvikuru nekuita matambudziko akasiyana, kusanganisira mumwe waBig anonzi anosisa mukaka mumazamu iye asina mwana. Vanoti izvi zvinokonzerwa nezvikwambo.
Mudzimai waBig, Susan, anoti murume wake anomurambidza kuenda kuchechi nekumaporofita achimuti aite zvechivanhu sezvo achinzi ane mudzimu uri paari.
“Ndakasvika pakutengerwa machira emudzimu ndichinzi ndinosvikirwa. Izvozvi ndinoona murume anouya kwandiri, ondiita mukadzi ivo (Big) varimo uyewo pane vanhukadzi vanouya vachindirwisa. Murume uyu anondimbunyikidza zvikuru,” anodaro.
Big anoti ari kutsvaga nyanzvi kubva kusangano renomirira n’anga nemaporofita, reZimbabwe National Tradional Healers Association (Zinatha) kuti vabatsirwe panyaya iyi, iye achenhurwe.
Sekuru Bonface Katerere vekuUzumba vanoti nyaya dzinopomerwa murume uyu unogona kunge uri munyama. “Dzimwe nguva murume uyu haana chikwambo, munyama chete. Kune vamwe vanogona kufa vachinzi varoyi ivo vasiri,” vanodaro Sekuru Katerere.
Kupera kwegore radarika, kwaSeke kune imwe harahwa yakapondwa ichipiswa nemoto nekurohwa neshamhu dzine minzwa apo yaipomerwa nevehukama kuti ine zvikwambo.
Kune vanoda kubatsira mhuri yekuMarondera iyi vanokwanisa kuridza nhare panhamba dzinoti 0773 024 968 votaura naBig Mudimu.




