Ray Bande
KUTENGA kana kutengesa doro nechikwereti imhosva pasi pemutemo muZimbabwe uye vari mubhizimisi iri vakadai sevemabhawa vanogona kubhadhariswa faindi kana vakaritengesa nechikwereti.
Mutemo weLiquor Licencing Act [Chapter 14:12] Section 81 unonyatsotsanangura zviri pachena kuti kana doro rikatengeswa mari yacho inofanirwa kubva yabhadharwa ipapo.
Kureva kuti imhosva kuti munhu anwe doro ozobhadhara mari yacho munguva inotevera.
Mutemo uyu chikamu chenzira dzakasiyana-siyana dzekuona kuti basa revari mubhizimisi rekutengesa doro rinoendeka uye kudzivisa kutengeswa kwehwahwa nechikwereti sezvo chinogona kuzokura uye zvokonzera kusagadzikana kwemamiriro ezvinhu.
Pasi pemutemo uyu, muridzi webhawa kana maneja wepanzvimbo inotengeswa doro ane mvumo yekudzinga munhu anenge achiita zvisingatarisirwe kana adhakwa pamwe chete neanoita zvemhirizhonga.
Pamusoro pezvo, vaye vane katsika kekuda kutengerwa doro nevamwe nguva nenguva asi ivo vasingazotengawo, avo vanozivakanwa nekunzi ma‘poacher’ vanokwanisa kudzingwa zvakare mumabhawa nedzimwe nzvimbo dzinotengeswa doro.
Mutemo uyu wagara uripo, kunyangwe zvazvo mapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) vange vasiri kuona kuti watevedzerwa.
Izvi zviri kuita kuti vanhu vakawanda vanwe doro nechikwereti uye vamwe vacho vachizotadza kubhadhara zvikwereti zvacho kumabhawa.
Vachitaura pachirongwa chekunzvera kuvandudzwa kweLiquor Licencing Act, icho chakaitwa kwaMutare svondo rapera, Officer-in-Charge (Crime) kumuzinda wemapurisa wePolice General Headquarters, Chief Inspector Tonderai Brian Chigweshe, vanoti vari mubhizimisi rekutengesa doro nemakasitoma avo havana ruzivo pamusoro pemutemo uyu nemimwe yavanofanirwa kunge vachitevedzera.
“Zviripo ndezvekuti vose vanotengesa doro vanoita basa iri pasi pemutemo weLiquor Licencing Act, asi havazive zviri mumutemo uyu. Chavanongoda chete kuita purofiti.
“Vazhinji venyu hamuzive kuti kutengesa doro nechikwereti imhosva. Kunyangwe panotengeswa doro nguva yekuritengesa yadarika nekuti munhu anenge achiti haazive kuti imhosva, kusaziva hakukwanise kushandiswa sedziviriro yekuti munhu apunyuke mhosva,” vanodaro.




