Muchaneta Chimuka
ZVICHITEVERA kuwanda kuri kuita nyaya dzekuroorwa kwevanasikana vasati vabva zera munyika, zvisinei nekuvepo kwemitemo yakadzikwa neHurumende yekuti vasaroorwe vasati vasvika makore 18 okuberekwa, sangano reWomen’s Coalition of Zimbabwe (WCoZ) rakabatana nemamwe vakaendesa magwaro kudare reParamende vachikomekedza kuti mitemo iripo, iyo inova chengetedzo kuvana, inge ichitevedzwa nemazvo.
Mai Thelma Pasipamire vanova sachigaro kuWCoZ vanoti vanopembedza zvikuru Hurumende nekudzika mutemo weMarriages Act uyo une chikamu cheSection 3 chinopa chengetedzo kuvana kuti vasawanikwe vachipinda muwanano.
“Gwaro ratakaendesa kuParamende yeZimbabwe riripo pakurovedzera kana kukomekedza kuti senyika tinge tichishandisa mitemo iripo nemazvo. Tiri kuona vana vazhinji vari kusiira chikoro panzira nekuda kwekuti vanenge vatoenda kuvarume. Vamwe vari kufa panguva yekubara mushure mekunge varoodzwa vasati vasvitsa makore 18 apo miviri yavo inenge isati yasimba kuti inge ichikwanisa kubara vana. Isu tinoti regai dzive shiri mazai haana muno. Vana, vana varegedzei vakure nekuti kuroodza pwere hakuna shumo, vana ivavo kazhinji vanonozodzoka vava nevana kana zvirwere zvepabonde nekuti ivo pachavo havana masimba ekuzvimiririra kuti vanoda dziviriro,” vanodaro.
Mai Pasipamire vanoti matare edzimhosva anofanira kuranga nemazvo vanhurume vari kuroora pwere, kusanganisira vabereki vanobatsiridza mukuroodza vana ava.
“Mutemo weMarriages Act unobata nemhosva munhu wese anoroora kana kuroodza pwere dziri pasi pemakore 18 ekuberekwa. Vapari vemhosva vanopihwa zvirango zvekubhadhara faindi kana kugara mujeri kwemakore mashanu kana kuti mitongo yacho yese iri miviri. Zvisinei, nemutemo yakanakisisa iripo nyika iri kuramba ichine dambudziko rekuroodzwa kwevana vamwe vachida kusunza, vamwe vachitora mikana yekuva nherera kwevana kana kuti vana ivavo vanenge vatizira. Ogororo yakaitwa neZIMSTAT inoratidza kuti chikamu che34 percent chavanasikana muZimbabwe vari kuroorwa vasati vasvitsa makore 18 uye chikamu che5 percent vachiroorwa vasati vasvitsa makore 15 ekuzvarwa,” vanodaro.
Mai Pasipamire vanoti dambudziko rekuroodzwa kwepwere rakakura kumaruwa nechikamu che40 percent, zvikuru sei mudunhu reMashonaland Central apo chikamu che50 percent chevana vakaroodzwa mudunhu iri chinonzi chakapinzwa muwanano idzi nekuda kwenzara, kushairwa mari dzechikoro, zvitendero zvakadai semakereke mamwe epositori anoroodza vana uye nyaya dzechivanhu dzinosanganirira zvigadzamapfuhwa nechiramu, pakati pezvimwe.
Mai Claire Mafuso vekusangano reShamwari Yemwanasikana vanoti Zimbabwe yakazvipira kurwisa nyaya dzekuroodzwa kwevana kuburikidza nezvinangwa zvemaSustainable Development Goals (SDG) Target 5.3 izvo zvine donzvo rekubvisa tsika dzose dzakashata dzinonenekedza kuroodzwa kwevana panosvika gore ra2030.
Faith Dirorimwe anova Advocacy and Communications Officer kuboka reFemale Students Network anoti zvirongwa zveAfrican Union (AU) Campaign to End Child Marriage uye African Union Convention on Eliminating Violence Against Women and Girls, zvinotora kuroodzwa kwevana sekumbunyikidzwa kwekodzero dzavo uye imhirizhonga huru inokanganisa raramo yavo yemangwana.
Anoti nokudaro vapari vemhosva vanofanira kurangwa zvakasimbarara kuti chive chidzidzo kune vamwe vangada kupara mhosva dzerudzi urwu.
“Vana vashomanana zvikuru vanobudirira kudzokera kuchikoro mushure mekuroorwa nekuti vabereki vanobva vaneta kuvapa rutsigiro rwedzidzo. Vanosangana nerusarura nekuti vanenge vava kuziva varume saka hakuna anenge achida kuvagamuchira munharaunda. Vana vakadai vane mikana yakapetwa yekushungurudzwa zvakare nenzira yebonde apo vanenge vava kutsvaka raramo. Dzidzo yemwanasikana ngaiiswe pamberi uye tiri kuona vanasikana vakawanda vari kuita mabasa makuru anoshamisa nekuda kwekuti vanenge vakawaniswa mikana izere yedzidzo,” anodaro.
Wadzanayi Chitiga anova Programme Manager kusangano reEducation Coalition of Zimbabwe anoti vanasikana nevanakomana vanofanira kuwaniswa kodzero yakaenzana yedzidzo pasina rusarura kuti nyika ibudirire mukurwisa nyaya dzekuroodzwa kwevanasikana vasti vabva zera.



