VAGARI venzvimbo dzakakomberedza purazi reRoyden, iro riri pakati peHarare neNorton, svondo rapera vakaita chipatapata vachimhanyidzana kunotsvaga makutukutu emari yainzi yainge yarasirwa – pamwe chete nemupunga, shuga, mazai nemukaka – murwizi rweko nen’anga neimwe mhuri.
Vanhu ava vanofungirwa kuti vakaita izvi vachitandidzira mweya yakaipa kana kuti kuchekeresa.
Vakaona manenji aya vanoti mari yaidarika zviuru zviviri zvemadhora, iyo yaive yakapakirwa mumapepabhegi, yakasiya yarasirwa murwizi Muzururu.
Izvi zvinonzi zvakaitwa nen’anga yairasirira mweya yakaipa yatambudza imwe mhuri uye senzira yekuchenesa midzimu yenjuzu.
Zvichitevera runyerekupe rwaiti kune makutukutu emari yaive yadirwa kana kuti kurasirwa murwizi urwu, vanhu vemumapurazi akakombererdza Royden vakatanga kuita chipatapata kunoedza maraki avo vachida kutora mari iyi.
Pane mashoko anoti vamwe vevanhu vakaenda uku vakabva muHarare, Norton, Nyabira, kwaZvimba nekuMhondoro.
Panzvimbo yakarasirwa mari iyi pari kunzi pakawanikwa paine tsvimbo yaiva nemiswe mitatu nemisoro mitatu.
Tsvimbo iyi inonzi yaiva yakaradzikwa pedyo nepepabhegi raiva rizere mari.
Vatori venhau veKwayedza vakasvika parwizi apa nemusi weChina wadarika vakanowana mari iyi pasisina, zvichinzi pane vanhu vakaita zvivindi ndokubvubvudzana kuitora.
Pane vamwewo veinge vachiri kumbeya-mbeya ipapo vachiedza maraki avo.
Vakawanawo zvimwe zvezvakaraswa zvichiripo, kunyanya mupunga wemuchitoro nemazai izvo zvainge zvakamwararidzwa mumahombekombe merwizi nepazambuko.
Zvisinei, pachivanhu zvinonzi mari kana zvimwe zvinhu zvakaita sezvipfuyo zvikarasirirwa hazvitorwe uye vanoita izvi vanotakurana nemweya yakaipa.
Pane nzvimbo nhatu dziri mumahombekombe erwizi urwu idzo dzine zviratidzo zvekuti dzakaungana vanhu vakawanda zvekusara dzatsikwa-tsikwa.
Kwayedza yakaona mupunga waiva wakadirwa mudziva riri murwizi urwu nemapepa ezviwitsi zvemhando dzakasiyana ainge akavhurwa.
Mumwe wemupunga wakadirwa pazambuko rinodarika nevanhu nedzimotokari, mumakwenzi nemumasora.
Zvimwe zvainge zvakaita gatakata kurwizi uku, nanhasi zvichiriko, mabhodhoro edoro rechiRungu re“strong staff”, zvipepa zvemabhisikitsi nezvigubhu zvemukaka.
Njuzu dzinonzi dzinofarira doro rechiRungu, mupunga nezvinotapira sezviwitsi.
Panzvimbo iyi pakapwanyirwa mazai mambishi nemamwe akasara asina kupunzwa ari pedyo nemvura uye zvimwe zvinhu semikombe zviri mumvura.
Paruware rwuri pedyo nemadziva maviri, pakawanikwawo pakayanikwa mumwe mupunga.
Murwizi rwaMuzururu munonzi mune njuzu.
Mari inonzi yakatanga kuonekwa iri pazambuko rakamwayiwa mupunga nemusi weMuvhuro wadarika nevana vechikoro vepaRoyden Primary neSekondari avo vaienda kuchikoro apo inonzi yainge izere mumapepa iri yemaUS$50 nemaUS$100.
Phineas Kamutengo (23) wemunzvimbo iyi anoti iye mumwe wevanhu vakamhanyira kunotsvaga mari iyi.
“Nemusi weMugovera wadarika kwakaonekwa vanhu vaiva nemotokari 14 dzemhando yepamusoro dzaisanganisira rori raiva rakatakura vanhu sevaienda kumusangano. Vakadarika nemuno vachiridza ngoma nembira vachiimba.
“Vakanomirira kurwizi rwaMuzururu ndokutanga kuita zvavakaita ikoko. Vakarara variko kufuma Svondo, ndipo patakazonzwa kuti kwawanikwa mari yakawanda zvikuru yange iri mumapepabhegi, imwe mukadhibhokisi paine tsvimbo yaiva nemiswe mitatu nemisoro mitatu. Vanhu vakazotanga kumhanyidzana vachida kunotora mari iyi asi vakaishaya,” anodaro murume wechidiki uyu.
“Nekunetsa kwemari uku, dai ndakasvika iripo ndaiitora, zvengozi taizozviona pava paye.”
Padziva riri padyo nepanonzi paiva nemari iyi pakawanikwawo mukombe unoratidza kuti wakashandiswa uye paruware paiva neminhenga seinoiswa pangundu.
Ngundu inguwani inopfekwa nevanoita zvechivanhu sen’anga kana masvikiro.
“Ndakaendako naPeter Ndaboka (24) tichinotsvaga mari iyi, ndaiti nhamo yangu yapera. Asi takaita munyama nekuti takaenda musi weChipiri yatorwa kare,” anodaro Kamutengo.
Rwizi rwaMuzururu rwunodarika nemumapurazi anosanganisira Royden, Muzururu, Upway neKreek.
“Zvinoratidza kuti mutambo uyu waiva wemashavi enjuzu nekuda kwezvinhu zvakashandiswa zvinosanganisira mupunga, masiwitsi, doro rechiRungu, mazai nemari,” anotsanangudza Kamutengo.
Mumwezve mugari wenzvimbo iyi, VaChipfupi vanoti nyaya dzakadai dzine kushereketa mukati.
“Mari iyi inonzi yakatanga kuonekwa nemusi weSvondo vanhu vakatya kuitora zvinoreva kuti inogona kunge yakazotorwa pakati pemusi weMuvhuro neChipiri,” vanodaro VaChipfupi.
Vamwewo vanoti mari iyi yaiva yakaiswa panzvimbo dzakasiyana sepazambuko rerwizi neparuware, chinhambwe mamita mashomanana kubva pamugwagwa.
N’anga dzakaita chivanhu ichi dzinonzi maRasta anogara kuKuwadzana, muguta reHarare, uye vanhu vaibatsirwa ava vanonzi ndeve munzvimbo imwe chete iyi.
“N’anga idzi vanoziva vanoti dzinobva kuKuwadzana pamwe chete nevaiitirwa bira vacho. Vakasvika panzvimbo iyi masikati eMugovera apo bira iri rakatanga.
Fortunate Chiranga (21) anotiwo vakaona vanhu ava masikati vachitanga kuita bira ravo apo vamwe vainyikwa mumvura vachidirwa mupunga nedoro rechiRungu raiva rakawanda.
“Zvemari takazongonzwa ave mangwana acho,” anodaro Chiranga.
Eunice Chanditeya (40) wekupurazi reUpway anoti nyaya yemari iyi yashupa zvekuti kunzvimbo iyi kuri kuuya vanhu vachiitsvaga. Marble Dhairesi (46) wekupurazi reKreek anotiwo vana vekupurazi kwavo vakaona mari iyi ndokuvhura pepabhegi zvemisikanwa vakaiverenga vachishandisa zvimiti ikaita seyaikwana US$1 600 apo vakazomira kuiverenga votya.
Emma Musendami (48) anotsinhirawo achiti: “Vanhu havachatya, vanhu vari kuuya vachitsvaga mari yakarasirirwa iyi.
‘‘Kare zvaityisa asi nekunetsa kwezvinhu, wose munhu aitoda kuitora.
‘‘Vanhu ava vanonzi vari kudzoka Mugovera uri kutevera kuzopedzisa basa ravo.”




