‘Ndiwe wakandizadza chirwere’
Janet Chikotosa MUKADZI wekuti murume wake akamupa chirwere ndokuzomudzinga muimba yekurara kuti awane mukana wekusasana neshamwarikadzi yake akazochema mudare neshungu. Jennifer Lunga akaudza dare reHarare Civil Court
Ndine dzungu: Hwindi
Malven Mugadzikwa MUTYAIRI wekombi wekuendeswa kudare nemukadzi wake nenyaya yemendenenzi akachema-chema achiti haakwanise kubhadhara mari yekuriritira mhuri yake sezvo akambomira basa nekuda kwedambudziko rekunzwa
Onetserwa chikwereti
Janet Chikotosa MUKADZI wekuti ari kushungurudzwa nemushandi wepakambani yake nekuda kwechikwereti chemari yemuhoro yaasati amupa akazopotera kudare.
O-LEVEL — MUSEVE USINGAPOTSI / SHOKO HARIVHIKWI…Pondai anouraiwa
Munyaradzi Gunduza MUSEVE USINGAPOTSI Madingindira (Tinoenderera mberi). Hondo inokokwa naPondai inokonzera rufu rwaGutsa naMarizani naMambo Chakaingesu, ivo vachizouraiwawo naPondai. Dingindira rehondo rinozadziswa naKaringe anorwisana naMambo Tineshungu achivavarira kudzora hanzvadzi dzake…
A-Level – Masimba…Sidubi Mafu anosvika
Ticha Tichaziva “KUROORERA KURE” naElizabeth Jackson (69-71) Nyaya yacho (Enderero mberi): Vaviri ava havasi kufadzwa nekufa kwemwana wavo, amai vemwanakomana ndokunzwikwa vava kutuka MaDhuve. Baba vanofunga zvekuti vatsvage mari vaende…
GRADE 7…Zviri maererano nekufu kwemunhu
Ticha Danga MAZUVA ano tinoti kana munhu arwara tinomuendesa muchipatara kuti arapwe agopona odzoka kumba ave mutano. Tinoti kana asina kunaya anodzoswa kumba kwake achipota achipepwa ariko.
Tapirirwa nezvinyenza
Muchaneta Chimuka KUDYA kwechinyakare kuri kuonekwa kwakakosha mukusimbaradza utano hwemhuri nekuti kune twese twunodiwa mukuvakwa muviri. Svondo rino, Kwayedza yakashanyira Paroots Restaurant, muguta reHarare, apo panobikwa
Makwikwi eAfrican Woman of the Year
Munyori weKwayedza VANHUKADZI hounoi mukana wekuti muhwinhe mibairo mikuru yakarohwa nechando mumakwikwi eKwayedza African Woman of the Year.
Voshandisa Facebook kudzidzisana hutano
RIMWE sangano rinomiririra vechidiki roshandisa dandemutande reFacebook mukuvapa dzidziso pamusoro peHIV neAids pamwe nenyaya dzepabonde kuitira kuti vave neremangwana rakajeka. Safeguard Young People (SYP)
‘mimba’ isingazvarwe
Kingstone Mapupu MUDZIMAI wekwaNjelele, kuGokwe, anoti ane pamuviri pasvika makore matanhatu pasina kusunungukwa uye anofungira kuti akaroyiwa izvo zvinozivikanwa nekunzi kusungwa pachivanhu. Mai Ottillia Mpofu (51) vemubhuku raMashovo, vanoti vane…




