‘Kutombundirana zvenyu!’
Nyore Madzianike MUTYAIRI wekambani yeParrogate Zimbabwe Limited akamiswa mudare akatarisana nemhosva yekurova mukadzi wake pamwe nekumumwaya “mvura yemuteuro” achimupomera kudanana nemurume wechichena, uye
Mwana anoporofita akasungiswa
Nyore Madzianike MURUME wekuMarondera akaendesa muporofitakadzi ane makore 16 okuberekwa kudare achimupomera mhosva yekuti akamuti muroyi uye ane chikwambo chinoshungurudza mhuri yake.
‘Une chimbuzi mumukanwa’
Arnold Kaseke MADHIRI ekutengeserana terevhizheni pakati pemumwe mukadzi nemurume akazoputika apo vakadhonzerana kudare mushure mekunge mudzimai uyu ave kuda kudzoserwa mari yake achiti terevhizheni yacho haishande.
Murray akabuda muchikwata cheshasha
SHASHA yetennis, Andy Murray uyo ange ari mumwe wevanogona zvanyanya gumi dzemutambo uyu pasi rose, haasisimo muchikwata ichi zvichitevera kutadza kuhwinha kwaakaita kumakwikwi eUS Open. Murray ange ari
FC Platinum toda kuibika: CAPS
CAPS United yakatsiidza kuti rwendo rwuno inoda kurakasha FC Platinum zvakasimba apo zvikwata zviviri izvi zvichasangana svondo rino muquarter-final yeChibuku Super Cup.
Mwana akatetereka amai vaine chikomba
MUMWE mwana anonzi akatetereka akazowanikwa nababa vake ave kumapurisa mushure mekunge avharirwa panze munguva yeusiku naamai vake apo vaisanana nechikomba mumba.
Sangano rokurudzira kurimwa kwembesa diki
SANGANO rakazvimirira iro rinosimudzira nyaya dzekurima kunyika dziri kuchamhembe kweAfrica rokurudzira kurimwa kwembesa diki dzinoshingirira muzuva senzira yekupedza nzara kudunhu iri.
Magadhijeri voendesana kumatare
Yvonne Chipato MUKADZI nemurume, avo vose vanoshanda semagadhijeri, vakambosiya basa ravo rekuchengetedza vasungwa apo vakazvuvirana kudare.
Vana vogadzirira kunyora bvunzo
RAKANGE riri besanwa muguta reHarare svondo rino zvichiteverwa kuvhurwa kwezvikoro nemusi Chipiri apo vana vaidzokera kuzvikoro uye vamwe vakavimbisa kushanda nesimba temu ino kuitira kuti vagobudirira muzvidzidzo
ZIVA
IVHU Unozviziva here kuti nyaya yevhu kana kuti yeminda yakatanga kare pakauya varungu muno kuma 1890. Varungu vakanga vauya muZimbabwe vachitsvaga goridhe, asi pavakazoona kuti goridhe rakanga risingangowanikwe pese-pese


