‘AMAI MAKANAKA AMAI’‘. . . manje inini ndakudai, ngachitsve’

Gibson Mhaka MUKOMANA wekuBulawayo atorwa moyo nerunako rwaamai vake vekumubereka zvekusvika pakuvakanda shoko rerudo achivati, “Mhamha muri sponono, makanaka, tsvarakadenga plus muri yellow bone. Ko ngatichidananeka,” Amai ava, Sikhangezile Mlotshwa, varwadziwa…

MAMBO KANA AFA ANOVIGWA SEI?

Kingstone Mapupu KUBVA pasichigare, madzishe kana madzimambo vagara vane mavigirwo avanoitwa ayo akasiyana nezvinoitwa kuvanhuwo zvavo uye izvi zvinosiyana nzimbo nenzvimbo. Madzishe nenyanzvi dzechivanhu vanoti kana mambo afa, mavigirwo ake…

Sanganai ‘natete’ veHarare. Odzidzisa Chinamwari pajekerere

Muchaneta Chimuka ZVISINEI nekuti nyaya dzezvepabonde dzinowanzotaurwa panzvimbo dzakahwanda, imwe chembere iri kuswera ichidzidzisa veruzhinji zvidavado zvebonde pajekerere pakati peguta reHarare. Kwayedza yakaita mahwekwe naMbuya Svorai Mugongachako – avo vanozivikanwa…

Zimpapers Cancer Walk ‘yakabaka’

Rudo Muchedzi KAMBANI huru munyaya dzezvenhau munyika muno, yeZimpapers — ichishanda nesangano reIsland Hospice and Healthcare — iri kukoka ruzhinji kuchirongwa chegore rino cheAnnual Cancer Power Walk apo vanhu vachafamba…

Zim yamisa mombe nenyama zvinobva kuSA

Elita Chikwati HURUMENDE yamisa kuunzwa kwemhuka dzine mahwanda munyika nezvinogadzirwa kubva madziri kubva kuSouth Africa. Mhuka idzi dzinosanganisira mombe, mbudzi, hwai nenguruve. Izvi zvinotevera chiziviso kubva kuvakuru veSouth African Veterinary…

Madhamu aserera zvikuru: Zinwa

Muchaneta Chimuka ZIMBABWE National Water Authority (Zinwa) inoti madhamu mazhinji munyika aderera huwandu hwemvura zvakaipisisa zvichitevera kupisa kwakanyanya kuri kuita kunze uye kunyanya kushandiswa kwemvura mudzimba nemumadiridziro. Mukushi wemashoko kuZinwa,…

‘Mai bhoyi huya tidzokerane’

Courtney Munodawafa MUDZIMAI anogara mumusha weHighfield, muHarare, anoti aimbove murume wake ari kumuteveredza achimudemberera kuti vadzokerane asi iye ari kuti haachadi nezvake zvachose nekuti pavainge vachiri pamwe chete airarama upenyu…

VP Mohadi vorumbidza chipatara cheBaines

Malven Mugadzikwa MUTEVEDZERI wemutungamiriri wenyika Vice President Kembo Mohadi vanoti zvipatara zvakazvimirira zvakakosha zvikuru munyika sezvo zvichibatsiridza kuti pave nekurapwa kweveruzhinji kwemhando yepamusoro. VP Mohadi vakataura mashoko aya apo vaimema…

Pfumvudza, tsika nemagariro

Kingstone Mapupu NYANZVI dzechivanhu dzinoti kumera kwepfumvudza mumiti — anova mashizha matsva — zvine chirevo sezvo uri mucherechedzo weupenyu hutsva hunenge huri mberi uye panguva iyi panonyukawo zvirwere zvakasiyana muvanhu.…

AKANWISA VANA ROPA. . .ndokuvadyisa zizi mbishi

Kingstone Mapupu VANA vanomwe vanogara mumusha weDzivaresekwa Extension, muHarare, vari kunzi vakatorwa nechisimba nemumwe murume uyo akaenda navo muchisango cheko, ndokunovagusa vhudzi repanhova dzavo vose, achibva avanwisa ropa rezizi nerimwewo…

×