Vechidiki siyanai nezvinodhaka: VP Chiwenga

Muchaneta Chimuka MUTEVEDZERI wemutungamiri wenyika, Dr Constantino Chiwenga, vanoti zvakakosha kuti vechidiki vasiyane nekatsika kekutora zvinodhaka sezvo vari ivo vatungamiri vemangwana. Vakataura mashoko aya nemusi weMugovera wadarika apo vaiparura academic…

Mweya weumhondi munyika ino bodo!

NYAYA dzevanhu vari kuponda vamwe, kusanganisira vana vavo chaivo vekubereka, dziri kuwanda mazuva ano, izvo zviri kukonzera kusagadzikana munharaunda dzakasiyana-siyana. Zuva nezuva pari kubuda nyaya dzevanhu vanenge vauraya vamwe nezvikonzero…

‘Nziyo ngadzibatanidze voruzhinji’

Kingstone Mapupu MUIMBI wemisambo yeChimurenga nejazz, Dickson Maponga (71), uyo anoita zvakare basa riri maererano nezvicherwa kuMt Darwin, mudunhu reMashonaland Central, anoti nziyo dzinofanirwa kubatanidza uye kusimudzira raramo yevoruzhinji. Maponga,…

BVUNZA GODOBORI: Munoitongawo sei nhau yamubvandiripo?

Muchikamu chino, vaverengi, vateveri veKwayedza nevamwe vanotsigira bepanhau iri vari kupihwa mukana wekubvunza zvimwe zvezvinhu zvinoshamisa, zvisinganzwisisiki nezvakasiyana-siyana zvinonetsa pachivanhu mumararamiro evanhu vatema uye vachipindurwa nenyanzvi. Mubvunzo Ini ndiri murume…

Zim yamirira Sri Lanka

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika checricket chemaChevrons chiri mushishi kuita gadziriro, apo chakatarisana nekuzosangana neSri Lanka mumitambo mishanu inoti miviri yeOne-Day International (ODI) nemitatu yeTwenty20 International Series.Mitambo yezvikwata zviviri izvi ichatanga…

Mr Mat, Simbi vonomirira nyika kuIstanbul

Abel Ndooka SHASHA dzewrestling — Jonathan “Mr Mat” Muvingi naSeabel Simbi — vachanomirira nyika kumutambo weWorld Senior Kurash Wrestling Championship, uyo uchaitirwa kuIstanbul, kuTurkey, muna Mbudzi. Mr Mat naSimbi vachabudirira…

Hatidi unhubu munhabvu: PSL

Abel Ndooka SANGANO rePremier Soccer League (PSL) royambira zvakasimba zvikwata zvose zvinokwikwidza muCastle Lager Premiership kuti unhubu hausi kuzotenderwa kumitambo yakasiyana-siyana uye vanobatwa nemhosva vachatorerwa matanho akakodzera. Izvi zvinotevera nyaya…

Mudzimai aitwa kafiramberi abatikidzwa aine chikomba

Kingstone Mapupu MUDZIMAI wemakore 47 ekuberekwa wekuLower Gweru kudunhu reMidlands odemba rudo rwekubiridzira urwo akaita nechikomba chake musango apo akazowanikidzwa nemurume wake vachisasana zvakaita kuti arohwe zvakaipisisa zvekuitwa kafiramberi. Nyaya…

Murimi wechidiki opura mari nenguruve . . . avakisa dzimba, kutenga motokari

Lovemore Kadzura MUMWE murimi ane makore makumi maviri nemasere okuberekwa wekuHeadlands, VaAleck Revanavo, vari kuita zvinorova panyaya yekupfuya nguruve dzekuuchika izvo zviri kuona hupenyu hwavo huchiendeka. Nyaya yemurimi uyu huchapupu…

Murume aponda vanhu 2, ndukukuvadza vamwe vaviri pamunamato

Kingstone Mapupu MURUME ane makore 19 okuberekwa wemumusha waSabhuku Mashavele kudunhu raMambo Gezani kuChikombedzi, kuMasvingo akamiswa mudare nemhosva yekuponda vanhu vaviri uye ndokukuvadza vamwe vaviri zvekare nekuvabaya nebanga apo vaive…

×
×