Makore 12 mujeri aba US$123k nehukopokopo

Kingstone Mapupu MURUME wekuita hukopokopo hwekuba mari inodarika US$123 000, iyo yaifanirwa kuendeswa kune imwe kiriniki yakazvimirira muHarare kuburikidza nekubhadharwa kweMedical Aid, akatongerwa kugara mujeri kwemakore 12. Mutauriri wemapurisa echikamu…

‘Mhanzi yandibvisa mune zvinodhaka’

Abel Ndooka MUIMBI weSungura – Vincent Dambamupfee – anoti mhanzi yakamuponesa zvikuru kubva kudoro sezvo hupenyu hwake hwainge hwasvika pakuparara. Dambamupfee, uyo achangobura dambarefu rake rekutanga rinonzi ‘Gomo Ridonhe’, anoti…

Mukomana (16) asungwa abata ambuya (85) chibharo

Kingstone Mapupu MUKOMANA ane makore 16 okuberekwa wekwaKutama, kwaZvimba akasungwa nemhosva yekubata chibharo ambuya vane makore 85 ekuberekwa. Mukomana uyu (zita rake tinorichengetedza sezvo asati abva zera)  anonzi akapara mhosva…

Mwana (2) afa achinatiriswa zumbani

Muchaneta Chimuka MWANAKOMANA ane makore maviri ekuberekwa akafa mushure mekutsva nemvura inopisa apo ainatiriswa mashizha ezumbani naamai vake senzira  yekupedza chikosoro icho aive nacho kuBeatrice. Kunatira kufukira mvura inodziya uchifema…

Mwedzi 30 mujeri awanikwa aine mbanje

Muchaneta Chimuka MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuChitungwza, uyo akawanikwa aine mbanje inokosha US$90 mubhegi rake, akatongerwa kugara mujeri kwemwedzi 30. Mutongi wedare reChitungwiza Magistates’ Court, Batsirai Madzingira, vakatemera Happyson…

Mudzimai nemurume wake vawanikwa vakafa

Kingstone Mapupu MUTUMBI wemumwe murume wakawanikwa wakasungirirwa mumuti kuGweru uyewo wemudzimai wake uri pedyo nemotokari yerudzi rweHonda Fit iyo yaive yakapiswa yose. Izvi zvakaitika mumugwagwa waFletcher padyo nemugodhi weKing Cobra…

Mapurisa oshushikana nenyaya dzekupondana

Kingstone Mapupu MAPURISA anoti ari kushushikana zvakanyanya nekuda kwekuwanda kuri kuita nyaya dzekupondana kumatunhu akadai seMidlands. Mutauriri wemapurisa kuMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti nyaya dzekupondana kwevanhu dziri kuwanda mudunhu iri.…

Nyaya humhondi yaburitswa nengozi kwapera makore 13 . . . Vemhuri vakawirana kuivanza

Kingstone Mapupu NYAYA yehumhondi hwakaitwa mugore ra2015 mumhuri yaiva nechipari chemadzimai maviri kupurazi reMatedza kwaMambo Chimoyo, kwaMutoko apo mwanakomana wemudzimai mudiki akaponda vahosi achivapomera mhosva yehuroyi yakazoburitswa nengozi yava kusvika…

Chibuku Road to Fame yodzoka nemutsindo

Muchaneta Chimuka MAKWIKWI eChibuku Road to Fame, ayo anokotsverwa nekambani inogadzira zvinwiwa zvakasiyana pamwe nedoro yeDelta Corporation uye aine yechinangwa chekusimudzira mitambo yakasiyana pamwe nevaimbi vechidiki, adzoka zvine mutsindo. Makwikwi…

Mwanakomana wekuvharirwa mumba kwemakore 3 ashaya

Muchaneta Chimuka MWANAKOMANA ane makore 16 okuberekwa wekuChitungwiza, uyo ane nyaya yakambobuda mubepanhau reKwayedza munguva pfupi yadarika achinzi ainge achivharirwa mumba kwemakore matatu adarika nababa vake vachibatsirana nemudzima wavo, ashaya.…

×
×