Vopura mari nekurima mbambaira

Muchaneta Chimuka NEDONZVO rekusimudzira kuwanikwa kwechikafu pamwe nekurima kunoendeka, sangano reKopia rakaparura chirongwa chekutsigira kurimwa kwembambaira kunzvimbo dzinosanganisira kwaMutoko, kudunhu reMashonaland East. Mbambaira chirimwa chinozivikanwa nekutirira muzuva nekudaro zvichitevera kusanduka…

Mudzimai anoisa weti muchikafu

Chipo Mukorama WANANO yemumwe murume nemudzimai wake yoda kuparara zvichitevera katsika kanonzi kari kuitwa nemukadzi uyu kekusanganisa chikafu chaanobika neweti pamwe nekuchengeta imwe weti mubhodhoro yakavigwa muwadhiropu yavo. Izvi zvakabuda…

Mupurisa auraya musungwa, ndokumutema-tema

Mthabisi Tshuma MUMWE mupurisa anonzi akarova murume waakange asungira mhosva yekuba kusvika afa uye ndokuzama kuvigiridza nyaya iyi nekudimbura-dimbura mutumbi wacho ndokuukanda muchimbuzi (blair toilet) Nyaya iyi yakaitika mumusha weMalalume…

Makore 2 mujeri akweva ropa remwana

Latwell Nyangu naPriscilla Zengeni MUDZIMAI wekuGokwe akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri mushure mekubatwa nemhosva inokatyamadza yekukweva ropa kubva kumwana wechikoro ane makore 10 okuberekwa achishandisa tsono. Akabva aisa ropa racho…

Kutengeswa kwemacadamia kunze kwenyika kwakwira 77pc

Lovemore Kadzura CHIKAMU chezvekurimwa kwemiriwo nemichero (horticulture) chiri kuramba chichisimukira, izvo zvinoonekwa pakutengeswa kwakaitwa neZimbabwe nzungu dzemhando yemacadamia kunze kwenyika, uko kwakakwira nechikamu che77 percent. Kudiwa kwenzungu dzemhando iyi pamusika…

Mukwasi hutu nemukombe

Abel Ndooka MUTAMBI wenhabvu wechidiki ari kusimukira — Adam Mukwasi (18) — akadadisa svondo radarika apo akavhoterwa kuve Player of the Tournament pamutambo we2025 Sunningdale 6 Team Invitational Tournament muHarare.…

Chirandu azviita zvakare

Abel Ndooka MUIMBI weAfro-fusion ane mukurumbira — Tongai “Chirandu” Tarubona — haasi kudzokera kumashure. Tarubona, uyo anotungamira chikwata cheThe Black Identity, akabura dambarefu rake rechi16 rinonzi “Ndezvepano Pasi”, iro rine…

Mufaro weVatendi yobika dambarefu rechina

Abel Ndooka CHIKWATA chenziyo dzechitendero cheMufaro weVatendi Choral Group chiri mushishi kubika dambarefu racho rechina, iro rinotarisirwa kuparurwa muna Nyamavhuvhu. Nhengo yechikwata ichi — Romeo Denhere — anoti vari kushanda…

The Beatdown Boxing Tournament yorongwa

Abel Ndooka SHASHA dzetsiva dzemuno dzichasangana nedzekunze kwenyika dzinobva kunyika gumi pamutambo weThe Beatdwon uyo uri kurongwa nesangano reDeltaforce Boxing Academy and MMA. Mutambo uyu uchaitwa musi wa23 Nyamavhuvhu uye…

DeMbare, Bosso votatsurana muZim Derby

Abel Ndooka NEMUSI wesvondo uno, nzira dzose dzichananga kuRufaro Stadium, muguta reHarare uko makara asingaonane – Dynamos FC neHighlanders – zvichange zvichitatsurana mumutambo weZim Derby. Mutambo uyu unogara uchitarisirwa nevatsigiri…

×
×