mayunivhesiti nehuori
— ‘Muri kushungurudza vakadzi’ —Tiri kutora matanho: Gandawa Tandayi Motsi — BAZI redzidzo yepamusoro nekusimudzirwa kwesainzi rinoti riri kutora matanho akasimba ekudzivirira vanhukadzi vanodzidza kumakoreji nemayunivhesiti kuti vasambunyikidzwe – zvikuru panyaya…
Handisi kumira: Sensei Muripo
Abel Ndooka — SHASHA yemutambo wekarate, Sensei Samson Muripo – uyo achangobva kuhwina menduru yegoridhe kumutambo weWorld 3rd International So-Kyokushin Karate Tournament kuAhvaz, kuIran – anoti kukunda kwake kusimukira kukuru…
njuzu yakapfeka bra mumba
Muchaneta Chimuka — MUKADZI anogara mumusha weZengeza 2, kuChitungwiza, nemusi weChipiri svondo rapera akaridza mhere yakaita kuti veruzhinji vaungane pamba pake, apo anoti akapinda muimba yake yekurara ndokusangana nemanenji –…
Mwana (14) kubva Gokwe kusvika Kadoma netsoka
. . . achitiza baba vake Kingstone Mapupu — MWANA mukomana ane makore 14 okuberekwa wekwaNembudziya, kuGokwe, anonzi akapedza masvondo matatu achifamba netsoka kubva kuGokwe kunosvika kuKadoma – chinova chinhambwe…
Gadziriro dzekurima gorosi dzoitwa
Kingstone Mapupu — SANGANO reZimbabwe Farmers Union (ZFU) rinoti gadziriro dzekurima gorosi remuchando dzave padanho repamusoro uye mwaka uno rine tarisiro yegoho guru nekuda kwerutsigirwo ruri kupihwa neHurumende pasi pechirongwa…
Nyachide ogadzikwa mudhishi navahosi
Tafadzwa Mutsotso — NYACHIDE wekuti anogara achidashurwa kurohwa navahosi pabarika ravo vachipomerwa kufurira murume kuti amurambe nekuti achembera akazopotera kudare redzimhosva. Fiera Chindindi wekuWaterfalls, akamhan’arira Lilosa Handimo kuHarare
Vatambi vosimudzirwa
Abel Ndooka — CHIKWATA chine mukurumbira wekubika madhirama nemafirimu cheNgoma Yorira Theatre chinoti chakazvipira kushanda nevatambi vakasiyana mukusimudzira matarenda avo.
Vonetserana imbwa
Tafadzwa Mutsotso — KUPFUYA imbwa mudhorobha kwoparira vamwe samusha zvichitevera kumhan’arirwa kwavakaitwa kumatare edzimhosva nemuvakidzani wavo achida kubhadharwa mari yaakarapisa mwana wake uyo anonzi akange arumwa nembwa idzi.
Gogo vofizuriswa ‘nemwana’ pabarika
Tafadzwa Mutsotso — PANE nyaya yemudzimai anogara kuEpworth, muHarare, iri kumatare edzimhosva uyo anoti shamwarikadzi yemurume wake — iyo ine zera nevazukuru vake — inogara ichimurwisa.
West Ham yorambira naCarroll
WEST Ham yoramba kutambira mari kubva kuzvikwata zvekunyika yeChina izvo zvinoda kutenga Andy Carroll.










