Vakomana 2 vane ma1 . . .
Vopindira hanzvadzi Mumba isina kupfeka Trymore Muvhawa HANZVADZIKOMANA mbiri dzakamiswa mudare dzichipomerwa mhosva yekupindira hanzvadzisikana mumba isina kupfeka nekuhaya vanhu vekuti vaiuraye.
Mary anoda kufumura Mwenje muKwayedza
Munyaradzi Gunduza Kereke inofa kuti Kereke Inofa kunofambirana naMary anovimbisa kuzivisa kereke nezvekusazvibata kwaPastor Mwenje naSarah. Izvi zvinobuda pavanenge vari muchipatara cheWest End, achivaudza kuti vakamupa mukana wekuparidza Svondo
Mamiriro ekunze
Kubva 3 Mbudzi kusvika 6 Mbudzi 2016: Nyika yose yakasangana nekupisa kwakanyanya pamwe nekuve nemwando kubva musi wa23 kusvika 25 Gumiguru. Izvi zvakakonzerwa nekusanduka kwemamiriro ekunze, kunyanya kumatunhu anoti Matabeleland,…
Nhava ine tsumo
NHAVA yedu takairuka iri ngunde tichishandisa makavi emupfuti neemutsamvi nekudaro hatitarise kuora kana kupfukutwa kwayo naizvozvo tichasokera mbuva yedu kudzamara yati pamu pamu kuzara.
Regai huwori: Chidyausiku
CHIEF Justice Godfrey Chidyausiku vanoti vakuru vematunhu vakaita semadzishe, masadunhu, makanzura nevakuru vezvikoro vari kuita katsika kekuba mari ine chekuita nebudiriro yenyika vanofanira kusiyana nekatsika aka.
‘Vakwegura ngavarege kutera’
MUMWE kanzura wekumaruwa ekwaSeke, kuManyame, ari kushingairira kuti vakwegura vemudunhu iri varege kubhadhara mitero senzira yekuvaremekedza, vazhinji vacho vanonzi havachakwanisa kuzviriritira.
‘Anodiridza muriwo wangu neweti’
VAKADZI vaviri vekuEpworh vakaendesana kumatare edzimhosva vachirwira munda apo mumwe anonzi anodira weti netsvina yevanhu mubindu remuriwo wemumwe nekuda kweshaisano.
Kugochera Mwari braai pai?
JEE ijee zvaro, asi dzihwa harigochwe! Kana Mwari vakauya kumba kwangu, handifunge kuti ndingavape sadza nenyama. Imba yangu, poto nendiro dzangu, mvura yekanzuru nezvese zvandiinazvo hazvina kukodzera kuti
Vida anozviona kuti haafarirwe
Chitsauko 3 (Enderero mberi): Mai Mashumba vanobva vati handei narwo vakananga amai vaSimon vachivashoropodza nemaitiro avo ekufambidzana nekushamwaridzana nemwana mudiki akaita saJane. Vanoita sekunge vari kunatsiridza nekunzwira
‘STEM kudya kwedu’
St Ignatius yakaenda nemukombe CHIKORO cheSt Ignatius chakadadisa nekuhwapura mubairo mukuru weMashonaland East Provincial Merit Awards Academic Category munguva pfupi yadarika zvichitevera kukunda kwachakaita zvimwe zvose muzvidzidzo



