‘Utsinye kuzvipfuyo bodo’
VAMWE vechikuru, kusanganisira madzimambo, vekuGokwe vari kutsutsumwa nekuda kwevamwe vagari veko vane tsika yekubata zvipfuyo zvavo nenzira dzine hutsinye nekudaro vanoti vane hurongwa hwekushanda pamwe chete nemapurisa mukupedza dambudziko iri.
‘Prophet Madungwe penga mushe’
MAMWE maporofita ari kushora zvikuru muporofita wekuti akaenda kudenga kaviri akaita musangano naMwari uyo ari kuti zvakare Mwari vachashanyira Zimbabwe mumwedzi waGumiguru gore rino.
GONAN’OMBE RINOPUTWA NEVAKADZI VAKURA BEDZI
KUBVA pasichigare, vanhukadzi vechikuru vechiTonga, kudunhu reBinga, kuMatebeleland North, vanoputa fodya inosanganiswa nemhunga iyo inoiswa mumukombe unenge wakaboorwa uine mvura mukati.
Nyakupisira munhu makuhwa ovhimwa
MUKADZI uye wekuChitungwiza wekunzi akapisa muvakidzani wake zvakaipisisa nebota raikwata achimupomera kuita makuhwa ave kuvhimwa nemapurisa mushure mekurega kwaakaita kuenda kudare zuva rainge rakatarwa.
ZDF YAKABATSIRA . . . Mauto akavaka chimbuzi pachikoro
GURUKOTA reHurumende rinomirira dunhu reHarare, Cde Mirriam Chikukwa, vanorumbidza mauto eZimbabwe Defence Forces nebasa guru raari kuita mukusimudzira dzidzo munyika kuburikidza nekuvandudza zvivakwa muzvikoro.
Shasha 3 dzevaverengi
VAVERENGI, svondo rapera takati mutipe vatambi vatatu vamunoti ndivo “vakadziya” kudarika vamwe kubva mugore ra1980 kusvika 2016.
Simudzirai zvidzidzo zvemitambo: Dokora
GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti zvidzidzo zvemitambo zvinofanira kukosheswa sezvinoitwa zvimwe zvakaita seMathematics neScience sezvo vamwe vana vachikwanisa kuzowana raramo kubva mazviri mune remangwana.
Mabikirwo emasoya minzi
Zviri muGapu SVONDO rino Mai Mhosva vekuGlen Norah, muguta reHarare, vanotitsanangudzira mabikirwo chaiwo emasoya minzi.
Softball yokwikwidzwa kumaOlympics
SANGANO reZimbabwe Softball Association rakatambira nemawoko maviri danho rakatorwa neInternational Olympic Committee rekuwedzera mutambo wesoftball pane mimwe ichazokwikwidzwa kuTokyo Games 2020.
Pacquiao: Tsiva iri muropa rake
MANNY Pacquiao acharwa naJessie Vargas uyo anove shasha yeAmerican WBO Welterweight Champion apo paachadzoka munhandare yetsiva musi wa5 Mbudzi, sekutaura kwamaneja wake Michael Koncz.











