Seed Co yakapa mbeu kuvarimi
KAMBANI yeSeed Co, huru yadzo dzose pakuuchika mbeu muZimbabwe, svondo rapera yakapa mibairo yembeu yechibage kuvarimi gumi pasi pechirongwa chayo chinobuda muKwayedza, cheMudhumeni Mukuru.
Chikomba chinamira chakanzi ‘chimedze firiji’
MUDZIMAI uye wekuChitungwiza — wekuita gumbo mumba, gumbo kunze asi iye akaroorwa —ndokuzvisikira moto muziso sezvo chikomba chake chiri kuramba kurambwa zvisinei nekuti chinozviziva kuti ane murume, akazopihwa gwaro redziviriro…
Chitungwiza yovhiya varwere veitsvo
VARWERE veitsvo avo vakatarisana nedambudziko rekudhurirwa nekuenda kunze kwenyika kunovhiiwa vanotarisirwa kubatsirika zvakanyanya zvichitevera hurongwa hwavepo hwekuti vange vachivhiiwa pachipatara cheChitungwiza Central Hospital munguva pfupi inotevera.
B and P younganidza mari
CHIKORO cheB & P Study Centre, icho chiri kwaSeke, nemusi weMugovera wadarika chakaita dopiro revaimbi vane mukurumbira nedozvo rekuunganidza mari yemabasa anosanganisira kuvandudza zvivakwa.
Pakuvhurwa kwezvikoro mari ngaiwanike – Vana
VANA vechikoro pamwe chete nevabereki vari kuchema-chema kuti kudai nyaya yekunetsa kwemari yagadziriswa nekuchimbidza kuitira kuti panozovhurwa zvikoro pasave nedambudziko rekumira mumitsetse kwenguva refu kumabhanga.
Balotelli, Benteke vonzi vari kudhura
MUKANA wechikwata cheLiverpool wekutengesa Mario Balotelli naChristian Benteke kuBesiktas unenge uri kupera zvishoma nezvishoma.
MAONERO EDU: Mauto eZDF chidadiso
NEMUSI weMuvhuro neChipiri svondo rino zvizvarwa zveZimbabwe zvakabatana mumhemberero dzeHeroes Day dzekurangarira magamba akarwira rusununguko rwenyika pamwe nezuva remauto, reDefence Forces Day.
MHARE DZEZIM
PRESIDENT Mugabe nemudzimai wavo First Lady Amai Grace Mugabe vaine gurukota reutano nekurerwa kwevana, Dr David Parirenyatwa, nemachiremba akaratidza humhare, vachiyeva mapatya (siamese twins) ayo akazvarwa akabatana mushure mekunge vapatsanhurwa…
Arsenal yoda Klostermann
ARSENAL yakawedzera mutambi weRed Bull Leipzig, Lukas Klostermann, pavatambi vaingade kutenga vekumashure.
Blagefields yokurudzira varimi kutenga michina
KAMBANI yeBlagefields iyo inogadzira michina yemadiridziro yechitsoka-tsoka yokurudzira varimi kuti vashandise muchina weMoneyMaker Hip Pump (MMHP) uyo unove chiwororo pakudiridza mbesa dzakasiyana uye uri nyore kushandisa.










