Vana 4 vayeredzwa nemvura vakarara mubhiriji

Kingstone Mapupu VANA vanokwana vana (4) vaive pachechi avo vakazohwanda mvura yainaya pamwechete nevabereki vavo pasi pezambuko rerwizi Tare kwaMambo Nemangwe, kuGokwe South vakayeredzwa nemvura. Izvi zvakaitika nemusi wa14 Kukadzi…

Chirongwa chechina chekugovera chikafu choitwa

Munyori weKwayedza CHIKAMU chechina chechirongwa chekupihwa kwevanhu chikafu cheFood Distribution Blitz, icho chakatanga nemusi wa1 Kukadzi uye chinotarisirwa kusvika kumagumo kupera kwemwedzi unotevera, chiri kuenderera mberi panguva iyo Hurumende yeSecond…

‘Small-house’ pfacha mubhedhuru murume ari musvo nemudzimai  

Muchaneta Chimuka MURUME ane makore 42 okuberekwa wekuZengeza 1, kuChitungwiza wekuvimbisa kuroora shamwarikadzi yake ozvidemba zvichitevera kumupindira kwayakamuita mumba make arere nemudzimai wake ndokutema kumeso negas tank izvo zvakaita kuti…

Murume aponderwa US$2 achinzi ‘akaomera’

NYAYA yekunetsana pamusoro peUS$2, iyo yakange yapihwa mumwe wevanhu vaive vabatsira mutyairi weimwe motokari kuiburitsa mugomba mayaive yawira, yakakonzera kupondwa kwemurume wekwaZimunya kwaMutare uyo akabaiwa nebhodhoro redoro zvakaipisisa nemumwe wake…

Vabereki vevana 5 vakaremara votsvaga rubatsiro

Muchaneta Chimuka MHURI yekwaSabhuku Muregwa kwaMambo Nyajena, kuMasvingo – iyo ine vana vashanu vose vakabarwa vakaremara – iri kutsvaga rubatsiro rwekuvachengeta  sezvo vabereki vacho vakwegura nekudaro hachakwanisa kuvariritira. VaDavid Mutekede…

Mvura zhinji yotarisirwa kunaya: MSD

Munyori weKwayedza MVURA zhinji ine mabhanan’ana iri kutarisirwa kunaya kumatunhu akawanda muZimbabwe kutanga nemusi weChitatu chino kusvika mukupera kwesvondo. Kunyangwe zvazvo kunaya kwemvura kuchigamuchirwa nemufaro, bazi rinoona nezvemamiriro ekunze, reMeteorological…

GMB ine chibage, gorosi zvinokwanirana’

Munyori weKwayedza DURA renyika reGrain Marketing Board (GMB) rine chibage, gorosi nezvimwe zvinokwanirana kusvika pagoho rinotevera munaKubvumbi gore rino. Vachitaura kuvatori venhau nemusi weChipiri chino mushure mekupera kwemusangano wedare reCabinet,…

Hukopokopo pakupa nzvimbo dzemusika kuMbare bodo

Munyori weKwayedza KUGOVERWA kwenzvimbo dzekufanotengesera kuMbare Musika, muguta reHarare kuchaitwa nemazvo kuitira kuti vatengesi vese vakarasikirwa nemidziyo nezvimwe zvinhu zvavo pakatsva musika uyu gore rapfuura vabatsirikane. Mushure mekupedzwa kuvakwa kwemusika…

Mutyairi abirwa furawa yekambani achitsvaga machipisi

Muchaneta Chimuka MUTYAIRI wemarori kukambani yeBlue Ribbon Foods akabirwa makesi gumi efurawa mushure mekunge amisa rori iri paHuruyadzo Shopping Centre, kuChitungwiza panguva iyo akange ari kutsvaka machipisi ekutenga. Tinotenda Chiropa…

Zim inogona kuwana goho rakanaka

Muchaneta Chimuka GURUKOTA rezveminda, kurima, hove, madiridziro nekusimudzirwa kwevagari vekumaruwa, Dr Anxious  Masuka, vanoti Zimbabwe ine mukana wakakura wekuwana goho rakanaka mwaka wezhizha uno zvichitevera kutsigirwa kuri kuitwa varimi neHurumende…

×
×