Midziyo yekugadzirisa migwagwa yamutsiridzwa

Freeman Razemba HURUMENDE yakawana michina mitsva, inosanganisira matarakita senzira yekumutsiridza midziyo yekugadzirisa migwagwa (Road Maintenance Units) munyika yose. Izvi zvinoenderana nechirongwa chekugadzirwa kwemigwagwa uye kuvandudzwa kwayo nguva nenguva cheEmergency Road…

Maonero edu: Mutemo wemakore 30 pakutyaira wakanaka

HURUMENDE svondo rapera yakatara makore evatyairi vezvifambiso zvinotakura veruzhinji zvakadai semabhazi nemakombi kubva pamakore 25 okuberekwa kuenda pa30 rinove danho riri kugamuchirwa nevakawanda. Chinangwa chikuru chedanho iri kudzivirira tsaona dzemumigwagwa…

Tongai Moyo (Jnr) otsvaga rubatsiro

Kingstone Mapupu MWANAKOMANA wemuimbi aiva nemukurumbira muchakabvu Tongai ‘Dhewa’ Moyo, uyo ane zita rababa vake, anoti atambura kuti awane vanomubatsira kutsikisa dambarefu rake idzva iro akatopedza kunyora. Tongai Obert Moyo…

Munetsi ari mudenga rechinomwe

Abel Ndooka MUTAMBI wemaWarriors – Marshall Munetsi – akatevera matsimba aBenjani Mwaruwari kuita wechipiri muZimbabwe kutengwa kubva kuchikwata chekuFrance achienda kuEngland muhwindo rekutengesa vatambi munaNdira. Zvichitevera kutengwa kwaakaitwa neWolverhampton Wanderers…

MaChevrons opinda muhondo

Abel Ndooka CHICHANGE chakabvondoka kuQueens Sports Club, kuBulawayo kutanga musi weChina chino apo chikwata chenyika checricket chemaChevrons chichabandana necheIreland mumutambo weTest Match. Mutambo uyu uchatambwa kwemazuva mashanu izvo zvichaona uchizopera…

NAAZ yogadzirira mujaho weWorld Championships

Abel Ndooka SANGANO reNational Athletics Association of Zimbabwe (NAAZ) richatumira shangwiti dzinomhanya mujaho werelay kunyika dzinoti Botswana neZambia kunorwira tikiti rekunokwikwidza kumutambo weWorld Championships uyo uchaitirwa kuChina nekuJapan. Gore rino,…

Makororo 3 emombe ange arura asungwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) echikamu cheAnti-Stock Theft Unit, vakabatana nematikitivha eCriminal Investigations Department (CID), vakasunga makororo matatu anonzi aiva arura kuba mombe kuGweru nedzimwe nzvimbo dzakapoteredza. Mutauriri…

Mwedzi 18 mujeri acheka shamwarikadzi sikarudzi nebanga

Muchaneta Chimuka MURUME ane makore 23 okuberekwa wekuChitungwiza wekuita shanje dzerudo zvekusvika pakucheka sikarudzi yeshamwarikadzi yake nebanga mushure mekumuona ari mumotokari nemumwe murume uyo aifungidzira kuti chikomba chake akatongerwa kugara…

Hondo ndeyedu tose – Ziliwaco

Kingstone Mapupu SANGANO revaiva ana mujibha nanachimbwido reZimbabwe Liberation War Collaborators Association (ZILIWACO) rinoti munhu woga-woga ane basa rekuita panyaya yekumisa kupararira kweCovid-19. Mashoko aya akataurwa naCde Shain Chakanyuka (61),…

Firimu raMuripo rabuda

Abel Ndooka SHASHA yekarate — Shihan Samson Muripo — ocherechedzwa hupenyu hwake mumutambo uyu kuburikidzwa nefirimu rakabikwa nenyanzvi dzinobika madhirama nemafirimu dzeYakontent. Firimu iri rakagadzirwa riri muzvikamu zvina uye rinotsanangura…

×
×