Mambo vorambidza kunwiwa kwedoro parufu

Ray Bande MAMBO Chamutsa, vekuBuhera kudunhu reManicaland, vorambidza kunwiwa kwedoro parufu vachiti danho iri inzira yekudzoreredza ruremekedzo kuvafi pamwe nekuunza chiremerera pakati pevanhu vanenge varasikirwa nehama yavo. Mambo Tinotenda Garepi…

Vasungwa vaviri vatiza mujeri

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) vari kukumbira kuruzhinji kuti vawaniswe mashoko anoita kuti vakwanise kusunga Tafadzwa Janyure Zimirenyika (27) naJames Masunda (34) avo vakatiza mujeri reMutimurefu, kuMasvingo. Mutauriri…

Chabvondoka kuHarare Mayor’s Challenge Cup Taekwondo Championship

Abel Ndooka KUCHANGE kusingadanwe anonzwa nemusi weMugovera neSvondo paCity Sports Centre, muHarare apo shasha dzetaekwondo dzichabandana mumutambo weHarare Mayor’s Challenge Cup Taekwondo Championship. Mutambo uyu uchaona shasha dzinobva kunyika dzakasiyana…

Mbavha yamwaya munhu mhiripiri kumeso muchimbuzi ndokumubira mari

Muchaneta Chimuka GORORO rechikadzi rinonzi rakapindira mumwe mudzimai muchimbuzi umo akanga ari mushishi kuzvibatsira kwava kumumwaya mhiripiri yakakuyiwa mumaziso ndokumutorera bhegi raive neUS$1 287 kwaMurewa. Ruvimbo Mthetwa (31) wekuDomboramwari Business…

Mutyairi asina chitambi, chidhakwa aurayisa shamwari

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo aityaira Honda Fit akadhakwa uye asina rezinesi rekutyaira, izvo zvakakonzeresa tsaona yakauraya shamwari yake, akatongerwa kugara mujeri kwemakore matatu azere uye akarambidzwa kutyaira motokari dzemhando yeClass…

Varidzi vemombe dzinongomberereka nemigwagwa hokoyoyi!

Sikhumbuzo Moyo VANHU vanorega zvipfuyo zvavo zvakadai semombe zvichingomberereka nemumigwagwa mikuru yenyika vachasangana nechirango chakakomba chemutemo sezvo mapurisa ari kusimbaradza matanho ekuderedza tsaona dzinokonzerwa nezvipfuyo zvinofamba zvisina kuchengetedzwa. Mukuru wemapurisa…

Amai, mwana (14) vatsvira mumba

Patrick Chitumba MUDZIMAI ane makore makumi matatu nematatu ekuberekwa nemwanasikana wake ane makore gumi nemana vakatsva kusvika pakufa mushure mekunge imba yavaiva vakarara mairi yaparadzwa nemoto kuShurugwi mambakwedza emusi weMuvhuro.…

Vanhu vatatu vafa mutsaona

Kingstone Mapupu VANHU vatatu vakafa mutsaona kuZvishavane apo motokari yavo yakabonderana negonyeti. Tsaona iyi yakaitika pachinhambwe che80 kilometre peg mumugwagwa weGweru-Zvishavane nemusi wa27 Chikunguru nenguva dza9 mangwanani. Inspector Emmanuel Mahoko…

Murume (38) afukunura mutumbi watete achida ringi yemuchato

Arron Nyamayaro MURUME ane makore 38 okuberekwa anonzi akafukunura mutumbi watete vake avo vakavigwa makore 24 adarika kwaMambo Musana, kuBindura nechinangwa chekuti ange achitora ringi yavo yemuchato. Challenge Jasi (38)…

Mahwekwe nebindu rembanje mapurisa achifeya nyaya yokuba

MAPURISA ekuChipinge akasunga mumwe murume svondo rapera mushure mekuona bindu raive rakadyarwa mbanje apo vaiferefeta nyaya yekubiwa kwepombi dzemadiridziro pane rimwe purazi reko, iyo yakanga isina chokuita nembanje dzakazowanikwa idzi.…

×