Koshesai nhau dzeHIV neAIDS: NAC
VATORI venhau vanokurudzirwa kuti vaburitse nyaya dzine hudzamu maringe neHIV neAIDS sezvo izvi zvakakosha mukuvandudza upenyu hweavo vanorarama nedenda iri.
Kugadzirira kurima gorosi
Mudhumeni Mukuru Ivan Craig CHINHU chekutanga chinodiwa kutariswa nemurimi achifunga kurima gorosi huwandu hwemvura iri mudhamu kana mumigodhi yake.
Manakiro anoita zvihuta
SVONDO rino Anna Stella Chipongo ari kwaMutare anotaura pamusoro pemabikirwo anoitwa nyaya yeshiri dzinonzi zvihuta.
A-LEVEL — MASIMBA: Lindiwe asungirwa kuuraya kasvava
“Dai Ndakaziva haitungamiri” naMapira Silitha (79-91) NYAYA YACHO (Enderero mberi):
O-LEVEL — MUSEVE USIPOTSE/SHOKO HARIVHIKWI: Pondai aida rubatsiro
Munyaradzi Gunduza MUSEVE USINGAPOTSE Matambudziko anowira vatambi: (Tinoenderera mberi) Pondai anokunda dambudziko renyota paanopihwa mvura nemachinda aMambo Mupambi kuti akwanise kutaura
‘Kushayawo mwana handi kuda kwangu’
Janet Chikotosa MUKADZI wekuti akarambwa neaimbova murume wake nekuti haana mbereko akadunura mudare achiti kwakange kusiri kuda kwake kuti atadze kuita pamuviri.
Mamvemve haana kumubatsira
Janet Chikotosa SAMUSHA vekuda kunzvenga kubhadhara mendenenzi apo vainyepera kunge rombe nekuuya kudare vakapfeka marengenya kana kuti mamvemve pamwe nekuita sematsi vakazoigochera pauhutsi zvichitevera kufumurwa
– Mutupo – Nzou
Kutambira chauya nomwana Titambire mwanangu Nzou, Titambire wari Nyakonda, Vari Minanga, Vari Chiongotere, Vanokwira naNyatembo, Vachidzika naNyagoko, Maita vari Tsvangakasoso, Vanodzika naNyamherere, Maita vari Dombojawa, Vana vaMutemashinga, Zvaonekwa Nzou yangu…
GRADE 7: Madimikira ane zvaanoreva
Ticha Danga KUDIMIKIRA kutaura kune hudzamu. Dudziro dzemadimikira hadzifambirane netsananguro dzemazwi anoumba dimikira racho. Muchidimbu tinoti madimikira anoburitsa pfungwa zvakavanzika.
Ziva: CHITUNDU
Svondo rakapera takati bhasikiti rinowanikwa kuChipinge rinonzi chitunde, asi kwete chitundu. Chitundu ibhasikiti, kana kuti tswanda yaitakurirwa mishonga nen’anga kana kuitiswa mamwewo mabasa akasiyana-siyana.




