‘Iwe uri kupfimba musikana webasa’
Yvonne Manyanja MURUME wekuendeswa kudare neaimbova mudzimai wake achinzi ari kumushungurudza pamwe nekupfimba musikana wake webasa akati ndiye ari kutogara achirohwa nemukadzi uyu.
MURUME AKAYANIKWA MUDARE… ‘Wakabata mwana chibharo’ . ‘Apa wakandizadza chirwere’
Yvonne Chidochashe Manyanja VANHU vaive mudare vakashamiswa apo mumwe mukadzi akati murume wake ave kumudzinga pamusha mushure mekunge atora kasikana kasati kabva zera ako kaakabata chibharo ndokukaita mudzimai wechipiri.
Akabongomora mudare l ‘Dai ndakaziva ndisina kuroorwa’
Janet Chikotosa MUKADZI wekuti anogara achirohwa pamwe chete nekutukwa zvinyadzi nemurume wake akaridza mhere mudare achiti kudai akazviziva kuti wanano inoshungurudza zvakadaro, dai asina kumbobvira aroorwa.
A-LEVEL — MASIMBA: VaMuchineripi vanombooma musoro
“KUFUNDISA MWANA” naEmma Chitewe (65-68) Nyaya iri kunetsana baba naamai ndeyekuti mwana aende kuchikoro. VaMuchineripi semunhu aishanda basa repasi-pasi uyewo vaine mombe nhanhatu idzo vaiona senhaka yavachasiira vanakomana vavo kana…
Duramazwi: HWENYAKOSE/HUNYAKWOSE
HWENYAKOSE/HUNYAKWOSE – Uyu munhu anofambisa makuhwa, asi achinyepedzera kuva munhu kwaye kumativi maviri aari kufambisira mashoko akashata. Hunyakwose zvinogona zvakare kureva mukombe une kaburi pamubato wako.
Baba vanoratidza vana mavhidhiyo ezvinyadzi
Janet Chikotosa VANHU vaive mudare vakashamiswa apo mumwe mukadzi akati murume wake anoona mavhidhiyo ezvinyadzi vana vavo varipo.
Sekuru (86) murambatsvina l Harahwa inoita kunge ndiyo kanzuru l Inochenesa muMbare pasina muripo
HARAHWA ine makore 86 okuberekwa yemumusha weMbare, muHarare, iri kurumbidzwa neveruzhinji nekuda kwebasa rairi kuita rekuchenesa mumwe muzinda unotandarira veruzhinji munzvimbo iyi.
— Ziva —: DENGU
Dengu mudziyo wakakura wekutakurisa zvirimwa kana zvakohwehwa muminda. Varimi vemichero kunzvimbo dzakaita sekwaHonde nekuChimanimani vanoisira michero yavanokohwa mumazidengu. Dengu rakakura zviri pakati nepakati
Kwakabva zita: Masvitsi
NZVIMBO inonzi Masvitsi iri kwaNyandoro, kuMarondera. Zita iri rakabva pakuti uku kwaiva nemapere — bere rinonzi svitsi pamutauro wechiKorekore, sezvo Vatsunga vari maKorekore vakabva kuDande. – NYATSAMBO
‘Mushandi’ weZesa akairasa
MURUME wekuChitungwiza wekuzama noto nekufamba achinyepera kuve mushandi wekambani yeZESA Holdings achidzimira vanhu vane zvikwereti magetsi kana kuvabhadharisa mari yekuti asavadzimire akaigochera pautsi apo

