‘Mwana wangu uri musatanist’

Yvonne Manyanja MWANASIKANA wekunzi muSatanist anotandanisa amai vake nebanga achida kuvabaya nekugara achivarova — uyo anonzi zvakare akambonwa mushonga wekubvisa mimba yaaiva nayo — akazomiswa mudare redzimhosva.

O-LEVEL: MUSEVE USINGAPOTSI/SHOKO HARIVHIKWI … Pondai anopanduka

Madingindira (Enderero mberi): Mambo Chakaingesu vanodzidzisa Karinge kudeketera midzimu zvinoita kuti vapandukirwe naPondai achinotsvaga hondo yekuvapamba umambo nekuti aisada kuti Karinge adzidziswe zveumambo sezvo ari iye aida kuhusiirwa.

GRADE 7: Mazita ehama

Ticha Danga MUGORE rega-rega pabvunzo dzegore rechinomwe panouya mibvunzo inobata hukama pakati pevanhu. Nyaya iyoyi yehukama inotadzikwa neruzhinji, chero nevamwe vati kurei. Zvinoda kuti tinyatsobata tigonzwisisisa nyaya iyoyi

DETEMBA TINZWE: HADZISI NHEMA

naTinovimbanashe Ngwaru NDIKAKUTAURIRA ikozvino haungazvibvumi,

Onobhurwa nemusikana waakaramba

Yvonne Chidochashe Manyanja MUKOMANA wekuti ari kuoneswa ndondo nekugara achirohwa nekutukwa zvinyandzi pajekerere neaimbove musikana wake akazopotera kudare.

Akaona zvidhoma mukombi

Yvonne Chidochashe Manyanja MUKADZI wekunangwa huroyi nemurume wake achinzi ndiye ari kuita kuti zvinhu zvake zvisamufambire zvakanaka uye kuti mumwe musi akamupomera kuti akange aisa zvidhoma mukombi yake zvikaita kuti…

Mukuwasha akavharwa mbama naambuya ‘. . . ndipe roora rangu’

Janet Chikotosa AMBUYA vanonzi vakawatsura mukuwasha nembama zvakasimba zvikaita kuti aone nyeredzi nekuda kwenyaya yeroora iro vaida kuti abvise. Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court apo Trish Manhenga akamhan’arira Macdonald Zisengwe…

Mapofu 2 anogara oga

CHEMBERE mbiri dzekwaMurehwa idzo dzinorarama nehupofu dziri kugara upenyu hunosiririsa sezvo pasina anodzibatsira mumabasa epamusha akaita sekubika, kugeza nekuchera mvura.

Akapondwa, ndokuvhiiwa ganda

MURUME wekuMt Darwin akawanikwa akafa akavhiiwa ganda rose remumusoro uyo waive wakapwanyiwa uye usina nzeve yekuruboshwe munyaya inofungidzirwa kuti ine chekuita nemishonga yekuchekeresa.

Mufi akaenda nenyoka dzake

Muchaneta Chimuka naDaphne Machiri LOVENESS JOHN, pfambi yechikadzi yekufa ichidemba kuti yakaromba mushonga weraki uyo wakazomupandukira ukasanduka kuita nyoka nerwaivhi, anonzi akafa akaenda netunhu twake sezvo hama dzacho

×