Inzwaiwo tsitsi, batsirai Delight

MUKOMANA wechidiki wekuChimanimani ari kutsvaga rubatsiro rwekuti akwanise kuongororwa dambudziko reziso rake rakazvimba iro rasvika pakuvhara zvekuti harichashanda.

Vatambi vetsiva vakadadisa

VATAMBI vetsiva vaviri vanoti Kudakwashe ‘Take Money’ Chiwandire naNicola Mutonhora vakahwina mitambo yavo kuMalawi svondo radarika kozoti Tinashe Mwadziwana akakwanisa kuita mangange mumutambo wakewo.

Vararama neHIV kwemakore

MURUME nemudzimai wake vekwaMusami, kwaMurehwa – avo vanorarama neutachiona hweHIV – vari kuwana pundutso kubva mukutengesa mishonga yechivanhu uye yakatovaka imba yekuratidzira zvinhu zvakasiyana zvinosanganisira zvivezwa nechuma.

Huwandu hwemukaka hwoderera

HUWANDU hwemukaka munyika hunonzi huri kuramba hwakaderera zvikuru sezvo parizvino Zimbabwe iri kubura marita 55 miriyoni pagore kana zvichienzaniswa ne120 miriyoni ayo anodiwa kuti nyika inge ichiringana.

Chikoro chakapihwa $1 000

VERUZHINJI vanokurudzirwa kusimudzira zvikoro zvavakadzidza, kunyanya muzvidzidzo zvesainzi. Mashoko aya akataurwa nemukuru weChegutu Secondary School, VaLovemore Mathias Kabade, nguva pfupi yadarika apo vaitenda rubatsiro

Musanyeberwe nevanozviti Mbuya Nehanda

MAKOROKOTO eGoredzva ratiri kubata Chishanu chino kumhuri yose yakadyarwa kumativi mana eZimbabwe. Yeukai kuti 2015 takaritanga sokuseka, asi hezvi, vanhu vakatotamba imwe Kirisimasi svondo rapfuura. Totarisira kuti vanhu vakaonanawo

2015: Ranga riri gore reminana

MUGORE ra2015, kune nhau dzakawanda dzakaita mukurumbira idzo dzakabuda mubepanhau revanhu, Kwayedza – dzinofadza pamwe nedzinosuwisa – uye vamwe vanoti raive gore remanenji. Svondo rino tinodzora ndangariro dzenyu kudzimwe dzenyaya…

Tinoda kusimudzira kuzviriritira: Hungwe

GURUKOTA reHurumende rinoona nezvedzidzo, Cde Josiah Hungwe, vanoti bazi ravo riri mushishi kushanda nemamwe mapazi nemapoka akatsaukana nedonzvo rekusimudzira zvidzidzo zvemabasa emawoko izvo zvakakosha zvikuru mubudiriro yenyika.

‘Dzosa mari yangu yandakakuroora’

Sandy Musungata MUKADZI wekuramba murume wake nekuda kwekuti aigara achimushungurudza anoti haasisina rugare sezvo ave kunzi adzose mari yose yeroora yakapihwa vabereki vake.

Takarwira zvemishonga kumasowe: Madzibaba

MUPOROFITA wekuHopley, muHarare, anoti iye haazi pakati pevamwe vari kupomerwa kunamatira vanhukadzi vari musvo. Izvi zvinotevera nyaya yakabuda mubepanhau rino svondo rapera yaive pamusoro pemaporofita ekunzvimbo iyi ayo ari kupomerana

×