‘Mapositori batsirai nherera’
SANGANO reApostolic Christian Council of Zimbabwe rinoti machechi echipositori anofanira kushanda pamwe chete mukubatsira nherera nechirikadzi, mukuona kuti vana vaenda kuchikoro nekurwisa kumbunyikidzwa kwevanhukadzi.
UMAA yobatsira zvikoro
CHIKORO cheUMMA Institute chiri kushanda zvakasimba mukubatsira kuvandudza zvimwe zvikoro nedonzvo rekusimudzira dzidzo muZimbabwe.
Baba vanofamba mumba vari musvo vana varimo
MURUME wekuendeswa kudare nemukadzi wake achinzi anomushungurudza kuburikidza nekushinha naye vana vavo vachiona pamwe nekumutukidzira akati mudzimai uyu ipfambi yemakoko uye akamutapurira utachiona
Ini ndaivepo: Chinotimba
MUMIRIRI weBuhera South mudare reNational Assembly, Cde Joseph Chinotimba, vanoti vakaona manenji apo vaive panhamo yemunhu akange afa achirumwa nerovambira, mushure mekunge parufu rwake pauya dzimwe nyoka mbiri dzerudzi urwu.
Wadhiropu yemuroja yakamuparira
NYAYA yekubata-bata midziyo yemaroja yakazoparira mumwe murume wekuChitungwiza uyo akabatwa nemhosva mudare yekuparadza wadhiropu yemuroja wake inokosha $120.
Udza mwana baba vake
“MAITIRO emwana uyu anenge mubvandiripo. Ko sei asinganditerere uye haana kana chimwe chete chinganzi inhodzerwa paakada kufanana neni baba vake? Kuti mwana uyu ndewangu chaiye, chaiye? Sei akasiyana nevamwe vana…
Anoitira tsvina pazvibhorani. . . zvinocherwa mvura kuBudiriro
Cassius Mushore MUSIKANA wekuBudiriro, muHarare, wekunzi kana adhakwa anoitira tsvina pazvibhorani zvinocherwa mvura yekushandisa mudzimba, akazoendeswa kudare redzimhosva nababa vake.
Vakatiza Chitunha vaingwa nENyoka 2 Parufu . . . Chinotimba aivepo
VANHU vaive parufu rwemumwe mukadzi akafa arumwa nenyoka kwaManjokota, kuBuhera South, vakaita bararamhanya kutiza vachisiya chitunha mushure mekunge vaingwa nemisvesvenenga yenyoka mbiri dzerudzi
Edzai otaura sezvazviri . . . ‘P S L haina vatambi vakakwenenzverwa’
NHENGO yeZIFA, Edzai Kasinauyo – uyo akambonetsa mumutambo wenhabvu – anoti vatambi vazhinji vanotambira muCastle Lager Premier Soccer League havakodzeri sezvo tarenda ravo risina kubikwa zvakakwana.
Maticha vodzokera kuchikoro◆ ‘2 500 vachaenda kuyunivhesiti’
VADZIDZISI vanosvika 2 500 vachaenda kumayunivhesiti akasiyana kunovandudza ruzivo rwavo pasi pechirongwa cheTeacher Capacity Development Programme icho chine donzvo rekusimudzira dzidzo munyika.








