MUKOMBE NDEWANI? DeMbare, Harare City zvadzvokora Chibuku
KUNOTSVA demo kuchisara mupinyi neMugovera uno kunhandare yeNational Sports Stadium, muHarare, apo Dynamos FC ichatsapfurana neHarare City mutambo wekutora mukombe weChibuku Super Cup.
‘kasika kumhan’ara ukabatwa chibharo’
CHIPATARA cheWilkins Hospital, muHarare, svondo rapera chakaparura zviri pamutemo chikamu chichabatsira vanhu vanenge vashungurudzwa nemhirizhonga yepabonde, cheSexual Gender Based Violence Hospital.
Chirongwa chekupfuya mombe chobudirira paGwebi
CHIRONGWA chekupfuya mombe pakoreji inodzidzisa zvekurima yeGwebi Agricultural College, kuMashonaland East chiri kubudirira zvikuru uye varimi vemudunhu iri nevamwe vanobva kwakasiyana vari kubatsirikana
Maonero edu: Mwana anokosha, muchengetedze!
SVONDO rino tine dzimwe nyaya dzinosuwisa zvikuru, nyaya dzevanhukadzi vanoti kana vagara nguva refu vasina kubata pamuviri vanonotsvaga kubatsirwa kuchivanhu – kun’anga kana kumaporofita.
kurohwa kwevana: zvinoitawo here? . . . ‘Hapana chakaipa, kuranga’ . . . ‘Vanotonyanya misikanzwa’
MUTONGO wakapihwa nedare reConstitutional Court nguva pfupi yadarika wekuti vabereki nevadzidzisi vane mvumo yekuranga vana kuburikidza nekuvarova zvakafanira kana zvichinge zvaonekwa zvakakodzera, uri kutambirwa
Zimbabwe yonanga kuBangladesh
CHIKWATA chenyika checricket chemaChevrons chiri kutarisirwa kunanga kuBangladesh svondo rino uko chichanotamba nemaTigers, sezita remadunhurirwa reBangladesh Cricket, mitambo mishanu. Svondo radarika, maChevrons akanyadziswa zvikuru apo akakundwa 3-2 neAfghanistan mumitambo yeODI…
Varimi vefodya vodzikira: timb
SANGANO reTobacco Industry and Marketing Board (TIMB) rinoti kusvika parizvino varimi vanyoresa kurima fodya mwaka uno vave 57 492 vanove vakadzikira zvikuru kana zvichienzaniswa ne76 545 vakange vanyoresa panguva imwe
Vakaremara vakabatsirwa nezvekurimisa
MUKURU wemadzishe kudunhu reMashonaland East, Mambo Musarurwa, VaEnos Masakwa, nguva pfupi yadarika vakabatsira vakaremera mitezo nembeu yechibage ndokuvimbisa kuvapawo fetereza nedonzvo rekusimudzira mabasa
Dausi orwisa mhirizhonga kuvanhukadzi
NYANZVI mumitambo yemadhirama, Dennis Dausi (27) uyo anozivikanwa nezita rekuekita rekuti Madzibaba Teaspoon akabura dambarefu idzva rinonzi Gore Rezvedzidzo iro riri pamusoro pekushungurudzwa kunoitwa
‘Zvinokonzerwa nezvirwere, ngozi kana kuti zvikwambo’
MBUYA Marita Ried vekuZengeza 5, kuChitungwiza, vanoti pane nzira dzakasiyana dzekuuchika vangava varume kana vakadzi.








