Dr Amai Mugabe vari kubatsira
MUDZIMAI wemutungamiriri wenyika, First Lady Dr Amai Grace Mugabe, vari kubatsira zvikuru mugadziriro dzemusangano mukuru we18th International Conference on AIDS and Sexually Transmitted Infections in Africa (ICASA).
A-LEVEL — PAFUNGE: Masango anotuka mudzimai wake
CHITSAUKO 22 (Nyaya yacho: Enderero mberi) VaMasango vari kufumura nekushwetaidza mudzimai wavo vachiti vakabvisa mari yekuroora zvino mudzimai uyu haadi kuvateerera.
Zvandimomotera: Shoroma
Cassius Mushore SHOROMA yekuendeswa kudare nemukadzi wayakamitisa nenyaya yemendenenzi yakachema-chema ichiti haikwanise kubvisa mari yaidiwa sezvo zvakaimomotera, ine mhuri yakakura nechikwereti cheimba.
Vechidiki vakaita chibvumirano
CHIKWATA cheHarare City FC chakaita chibvumirano neSt Johns Chikwaka High School kuti chivhure boka renhabvu (academy) pachikoro ichi apo chichazenge chichitumira vatambi vechidiki kunodzidza vachiita zvenhabvu zvakare.
Mota yekubuda zinyoka ichiripo
MOTOKARI iye yerudzi rweHonda Fit inonzi yakaita tsaona panzvimbo yemabhizimusi ekwaMurambinda, kuBuhera svondo rapera, varidzi vayo ndokuburutsa zinyoka mubhuti iro vakatanga kupa mhunga richidya, inonzi ichiripo pagaraji payakasiiwa.
Maticha vodzidzira mitauro 16
MUTEVEDZERI wegurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekusimudzirwa kwemichina, Dr Godfrey Gandawa, vanoti zvakakosha kuti mitauro 16 iyo inocherechedzwa mubumbiro reZimbabwe, idzidziswe mumakoreji evarairidzi pamwe nemuzvikoro sezvo ichibatsira mukuchengetedza
$20 miriyoni ichavakisa zvikoro 17
HURUMENDE svondo rino yakanyorerana chibvumirano nesangano repasi rose reOpec Fund for International Development (OFID) chemari inosvika $20 miriyoni yekuvakisa zvikoro 17 kumaruwa pamwe nekutenga zvimwe zvekushandisa mudzidzo.
Zinyoka svaku Mubhuti mota yaita tsaona…ndokupihwa mhunga richidya
Kingstone Mapupu MOTOKARI yerudzi rweHonda Fit yoita tsaona, varidzi vayo voburuka, vobva vavhura bhuti umo vanoburitsa zinyoka, votanga kuripa mhunga richidya nekunwira mvura. Vanozoisa nyoka iyi musaga, vobva vaenda nayo…
WhatsApp Status: Mashoko acho hi-i…Kukandirana makobvu nematete bedzi
Muchaneta Chimuka “UNOZOONA kukosha kwechikorobho warasa mvura; Nzungu dzembeu hadzikangirwi vaenzi; Single and not desperate; Usandiitire dzungu kunge Pharaoh ari kuda kuyambuka gungwa raasina kupatsanura; Kuda kunditesta nechigunwe senhanga; Bec…
Aiwombera chikomba chemukadzi achinzi nditsano . . .ndini ndakapfimba chikomba: mukadzi
Kingstone Mapupu ZVAARI mashura! Mukadzi obatwa nemurume wake achisasana nechikomba, obva amuudza kuti; “Siyana nechikomba changu, ini ndini ndakatochitsvaga ndichida kupfidzisa iwe. Wanyanyawo kuita chipfambi iwe.” Izvi ndizvo zviri kutaurwa nemumwe…




