— Mudzidzisi raira —TSUMO
CHINO chidzidzo chinobva mukukoka kwatinoita varairidzi kuti vadzidzise vana chiShona chamandorokwati chinonzi “MUDZIDZISI RAIRA”. Chidzidzo chino chinobva kumumwe murairidzi wepaDewe Primary School, kuGokwe North.
Hazviite, hudzvanyiriri: zwla
SANGANO remagweta anomirira kodzero dzevanhukadzi, reZimbabwe Women Lawyers Association, riri kushora zvikuru tsika iri kuitwa kwaMambo Chitsungo, kuGuruve, yekuti madzimai anenge ari panguva yekutevera vasachere mvura kuzvibhorani zveko vachinzi vanenge
GRADE 7: Mazwi anofanana asi achireva zvakasiya
Ticha Danga RWENDO rwuno tinoda kumbotarisa mazwi aya ane mitinhimira yakafana kana zviperengo zvakafanana asi achireva zvakasiyana sekuti “bara” tichireva kuzvara kana kuti chinoiswa mupfuti. Mazwi aya ane zviperengo zvakafanana…
‘Anondirevera chikwereti chero nemuchechi’
Cassius Mushore NYAKUKWERETA mari kumuvakidzani wake akazviparira sezvo ava kubvunzwa chikwereti ichi pose pavanosangana pamwe nekunyeyewa apo anenge achiparidza muchechi. Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court uko Ever Hoko akaendesa…
Ronaldo oti haasi kugutsikana
MUTAMBI weReal Madrid Cristiano Ronaldo svondo rino akabvuma kuti haasi kugutsikana zvisinei nekuhwina kwaakaita mubairo weGolden Boot semutambi akanwiswa zvibodzwa zvakawanda kudarika vamwe mumitambo yeligi remuEurope mwaka wadarika.
‘Chengeta vana vako, kwete mubvandiripo’
Nyasha Chabvonga MUMWE mupurisa akashamisa vanhu vaive mudare apo akati anoda kuti mari yaari kubvisa yemendenenzi idzikiswe sezvo ave kugara kunzvimbo inodhura yeAvenues, muguta reHarare, uye ari kuchengeta mwana nemukadzi…
ICASA: Zim inoda $3,7m
HURUMENDE inoda mari inosvika US$3,7 miriyoni kubva kuvatsigiri vakasiyana kuti inge ichikwanisa kuita musangano mukuru we18th International Conference on AIDS and Sexually Transmitted Infections in Africa (ICASA).
‘Maroja anoda kundiuraya’
Kudakwashe Chinokuya MUKADZI ane imba yake akaendesa murume nemudzimai wake avo vaimboroja pamba pake kudare achiti vanogara vachimutyisidzira nerufu pamwe nekumukandira mishonga pamba.
O-LEVEL — NDIKO KUSASANA: Mugadzi naSekai vanotukana, nyaya yaLily ndokubuda
CHITSAUKO 5 (Nyaya yacho: Enderero mberi) Zuva iri Sekai ari kufara apo Mugadzi anosvika manheru ndokuwana vana vari bhishi kuseka vachidzidziswa naamai wavo masvomhu. Apo Mugadzi anokotama achida kuratidza mukadzi…

