Chabvondoka kuArenel Under-17
Abel Ndooka ACHANGE ari makuwerere neMugovera svondo rino pachikoro chePrince Edward muHarare apo pachatambirwa mutambo weNational Association of School Heads Arenel Under-17 Soccer Tournament Finals. Zvikwata 12 ndizvo zvichakwikwidza mufainari izvo…
Vadzidzi vopangana mazano ezveupfumi
Daphne Machiri MIDLANDS State University yakaparura chirongwa chetsvakiridzo, chinodaidzwa kuti First International Research Conference, icho vadzidzi vanopanana mazano pamusoro pezvingaitwe mukuvandudza upfumi hwenyika. Chirongwa ichi chine vadzidzi vekumayunivhesiti akasiyana
Vavakidzani vonetserana mukadzi
Malven Mugadzikwa MUMWE murume akamhan’arira nyakuroora aimbova mukadzi wake kudare achiti ari kumushaisa rugare pamwe nekumuvimbisa rufu nekuda kweshaisano. Edmore Kashere akamhan’arira Newton Kurauone kuHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza. “Handichina rugare…
Vaimbodanana vovavirana
-‘Wakandidzinga mubhedhuru’ -‘Ndakakuwana uine chikomba’ Sandy Musungata MURUME wekuendeswa kudare nemudzimai wake achimupomera kumushungurudza akati mukadzi uyu anoda kushandisa matare zvisirizvo zvichitevera kumubata kwaakaita aine chikomba. Auxillia Rwasarira, uyo anoita basa…
Ishe nasadunhu vakashaya
Tandayi Motsi ISHE Chinamhora vekuDomboshava, VaSimon Gandidzanwa Chidziva, vakashaya nemusi weChitatu svondo rapera ndokuvigwa kupurazi reChabwino nemusi weSvondo, kwakare kuGoromonzi. Mune imwezve nyaya inosuwisa, vakambobata chigaro chehushe hwekwaSeke,
Itsitsi hwai kubvisa mwana wemvana madzihwa?
RAKAVE zinzwa wanzwa kuti pane munhu anyangarika mumusha weGlen View 7, muHarare. Takazonzwa kuti munhu uyu anonzi Itai Dzamara, mutori wenhau uyewo ari munhu ari mune zvamatongerwo enyika achitsigira mapato…
NGWARATI
NGWARATI (“Kurwa sengwarati,” “Zvaiwana ngwarati kudya irere”) NGWARATI imhuka yemusango yakakura kunge mombe, asi iyo iine nyanga nhete, dzakapinza uye dzakanongedzera kumashure. Ngwarati imhuka yaityiwa kwazvo nevavhimi makare-kare nekuti yaizivikanwa…
GRADE 7: Tsumo dzine hudzamu
Ticha Danga KUTI banga kana demo rirambe rakapinza rinopota richironzwa kana kutombopfurwa chaiko. Rikasarodzwa rinopedzesera ragomarara roguma risisacheke kana kutema sezvaraiita pakutanga. Ndizvowo zvimwe chete nepfungwa dzemudzidzi. Dzinodawo kugarorodzwa
Ngatipembedze basa rakanaka
PAKAPARURWA gwara ratiri kufamba naro nhasi uno mugore ra2000 mukurwisana neHIV neAIDS zvinhu zvainge zvakaoma asi mumakore anoita gumi nemashanu atafamba aya kusvika mugore rino ra2015 pava nemutsauko mukuru. Munhu aiti…
Mukomana haaroore mvana?
MAKASIMBA here tete? Ndiri mudzimai ane makore 30 okuzvarwa uye ndine vana vaviri. Dambudziko rangu ndeiri: Mwana wangu wekutanga ndakamubara ndichiri kuchikoro, zvekuti baba vake ndinongonzwa kuti vatove neimwe mhuri…





