Imhosva kudzidzisa mwana chipfambi: Dare

MUKADZI wekudzidzisa kamwanasikana kemuvakidzani wake mabasa echipfambi akakomekedzwa nedare kuti asiyane netsika iyi zvachose sezvo iri mhosva huru.

GRADE 7: Tsumo dzinoreva zvakada kufanana

NHAVA yedu tinoda kunyatsoitsindira nembuva kuti ifashukire. Rinenge rava dura redu rekupota tichimora paya patinenge togomberwa. Munhava iyoyi tichapakira zvakawanda asi pari zvino tichingori patsumo dzinoreva

O-LEVEL — NDINOFA NDAEDZA: Musha waIshe Chokupamba wava dongo

CHITSAUKO 10 (Ongororo: Enderero mberi) Kudimikira ndiko kumwe kwatinoona kuchishandiswa kurunga mutauro. Matsanangurirwo anoitwa varwi vadzidziswa naRevai uku kunoratidza kugona kwavo basa tinokuona paPeji 96 kuchishandiswa sokudai: “Nyuchi

‘Nditongei patsva, ndakamborasika’

Tatenda Moyo VANHU vaiva mudare vakakatyamadzwa mushure mekunge mumwe murume ati aida kuti mutongo wakapihwa pazuva raasina kuenda kunozvimiririra, wekuti abvise mari yemendenenzi yekuchengeta mwana wake, usendekwe

Hwindi akamitisa mukadzi akaremara ndokurova pasi

Orpah Mukotekwa HWINDI wekumitisa mukadzi akaremara makumbo ndokuzoshaya hanyn’a nekuchengeta mwana wake akazopedzwa chiri kumeso apo akaendeswa kudare.

Sodhoma neGomora pakomboni

MUMUSHA unogara shoroma weGlen Lorne, muHarare, mava neimwe komboni iyo yatsviriridza nemabasa akaipa sechipfambi, humbavha nekutengeswa kwezvinodhaka sembanje, pamadiro.

Fundisai vana zvenharaunda nezviwanikwa – Kasukuwere

GURUKOTA rinoona nezvenharaunda, mvura nemamiriro ekunze, Cde Saviour Kasukuwere, vanoti zvakakosha kuti vana vechikoro vadzidziswe machengeterwo akanaka enharaunda nezviwanikwa sezvo iri iyo nhaka yavo yemangwana. Vakataura mashoko aya kuMukuvisi Woodlands,…

Anopumha amai huroyi achivatuka nezvinyadzi

Orpah Mukotekwa AMAI vekugaroshungurudzwa nemwanakomana wavo vachirohwa, kutukirirwa nekupumhwa huroyi vakazoguma vanopotera kudare.

‘Musabirire makore evatambi’

NHENGO yesangano rinoona nezvenhabvu munyika reZifa, John Phiri, akakurudzira zvikoro pamwe nezvikwata zvenhabvu kuti zvisiyane netsika yekubiridzira makore evatambi sezvo maitiro akadai aya achikanganisa matarenda

Kudzivirira tupukanana

Chii chinonzi Intergrated Pest Management (IPM) ? Iyi inzira yekurwisa hudyi kana kuti tupukanana muzvirimwa kuburikidza nekutora matanho anozivikanwa.

×
×